bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Nehemiah 12
Nehemiah 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakaenda naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, naJeshua: Seraya, naJeremiya, naEzira;
2
naAmaria, naMaruki, naHatushi;
3
naShekania, naRehumi, naMeremoti;
4
naIdho, naGinetoi, naAbhiya;
5
naMijamini, naMaadhia, naBhiriga;
6
naShemaya, naJoyaribhi, naJedhaya;
7
naSaru, naAmoki, naHirikiya, naJedhaya. Ndivo vakanga vari vakuru vavaprista navehama dzavo pamazuva aJeshua.
8
Uye navaRevhi ava: Jeshua, naBhinui, naKadhimieri, naSherebhia, naJudha, naMatania, iye nehama dzake ndivo vairaira vaimbi.
9
NaBhakibhukia, naUno, hama dzavo, vakanga vakatarisana navo pakurinda.
10
Jeshua akabereka Joyakimu, Joyakimu akabereka Eriashibhi, Eriashibhi akabereka Joyadha;
11
Joyadha akabereka Jonatani, Jonatani akabereka Jadhua.
12
Pamazuva aJoyakimu vaprista, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vari: wokwaSeraya, Meraya; wokwaJeremiya, Hananiya
13
wokwaEzira, Meshurami, wokwaAmaria, Jehohanani;
14
wokwaMaruki, Jonatani; wokwaShebhania, Josefa;
15
wokwaHarimi, Adhina; wokwaMerayoti, Herikai;
16
wokwa Idho, Zekariya; wokaGinetoni, Meshurami;
17
wokwaAbhia, Zikiri; wokwaMinyamini waMoadhia, Piritai
18
wokwaBhiriga, Shamua; wokwaShemaya, Jehonatani,
19
wokwaJoyaribhi, Matenai; wokwaJedhaya, Uzi;
20
wokwaSarai, Karai; wokwaAmoki, Ebheri;
21
wokwaHirikia Hashabhia; wokwaJedhaya, Netaneri.
22
VaRevhi vakanyorwa mazita avakuru vedzimba dzamadzibaba pamazuva aEriashibhi, naJoyadha, naJohwanani, naJadhua; navapristawo kusvikira pakubata ushe kwaDhariusi muPerisia.
23
Vanakomana vaRevhi ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanyorwa pabhuku yaMakoronike, kusvikira pamazuva aJohwanani mwanakomana waEriashibhi.
24
Vakuru vavaRevhi vakanga vari: Hashabhia, naSherebhia, naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo dzakatarisana navo pakurumbidza nokuvonga, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari, vachiita madzoro pakuimba.
25
Matania, naBhakibhukia, naObhadhiya, naMeshurami, naTarimoni, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova, vairinda pamatura pamasuo.
26
Ndivo vakanga varipo pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki,. napamazuva aNehemiya mubati, nomuprista Ezira munyori.
27
Zvino pakutsaurira kwavo Jehovha rusvingo rweJerusaremu, vakandotsvaka vaRevhi pose pavakanga vagere, vakauya navo Jerusaremu, kuti vatsaure nomufaro, nokuvonga nokuimba, nokuridza makandira nemitengeramwa nembira.
28
Vanakomana vavaimbi vakaungana pamwechete vachibva kumapani akapoteredza Jerusaremu, nokumisha yavaNetofati;
29
napaBhetigirigari, naparuwa rweGebha neAzimavheti; nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha pamativi ose eJerusaremu.
30
Zvino vaprista navaRevhi vakazvinatsa, ndokunatsawo vanhu, namasuo, norusvingo.
31
Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; vamwe vakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuo ramarara;
32
shure kwavo kwakafamba Hosaya, nehafu yamachinda aJudha,
33
naAzaria, naEzira, naMeshurami,
34
naJudha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya,
35
navamwe vanakomana vavaprista vane hwamanda. Zekariya, mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,
36
nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJudha, naHanani vane zvokuridza zvaDhavhidhi munhu waMwari; Ezira, munyori akanga ari pamberi pavo;
37
vakafamba napasuo retsime, vakarurama, ndokukwira namatanho eguta raDhavhidhi, pamukwidzwa worusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikira pasuo remvura, kumabvazuva.
38
Rimwe boka ravavongi rakandosangana navo, ini ndichivatevera, ndine hafu yavanhu pamusoro porusvingo, pamusoro peshongwe yamavira, kusvikira parusvingo rupamhi;
39
napamusoro pesuo raEfuremu, napasuo rekare, napasuo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yaHamea, kusvikira pasuo ramakwai, vakamira pasuo ravarindi.
40
Mapoka maviri avavongi vakamira saizvozvo paimba yaMwari, neni nehafu yavatariri,
41
navaprista Eriakimu, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErionenai, naZekariya, naHanania, vane hwamanda;
42
naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarikija, naErami, naEzeri. Vaimbi vakaimbisa kwazvo, vana Jezirahia mutariri wavo.
43
Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure.
44
Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri efuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavaprista neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti vaJudha vakafarira vaprista navaRevhi vaishumira.
45
Ivo vakachengeta murayiro waMwari wavo, nomurayiro wokunatsa, navaimbi navarindi vemikovawo saizvozvo, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi naSoromoni, mwanakomana wake.
46
Nokuti pamazuva akare aDhavhidhi naAsafi, kwaiva nomukuru wavaimbi, nenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari.
47
Zvino vaIsiraeri vose pamazuva aZerubhabheri, napamazuva aNehemiya, vaipa vaimbi navarindi vemikova migove yavo, yakadikamwa zuva rimwe nerimwe; ivo vaitsaurira vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurira vanakomana vaAroni.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
Recommended Reading
Commentary
Nehemiah Commentaries
→
Devotional
Nehemiah Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona ? Study Bible
→