bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Nehemiah 2
Nehemiah 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.
2
Ipapo mambo akati kwandiri, "Chiso chako chinopunyairireiko, zvausingarwari? Ichi chinhu ishungu dzomoyo chaidzo." Ndikatya kwazvo.
3
Ndikati kuna mambo, "Mambo ngaararame nokusingaperi! Chiso changu chingaregereiko kupunyaira, kana guta iro rinamarinda amadzibaba angu, rava dongo, namasuo aro atsva nomoto?"
4
Ipapo mambo akati kwandiri, "Unokumbireiko?" Zvino ndikanyengetera kuna Mwari wokudenga,
5
ndikati kuna mambo, "Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditumire kwaJudha, kuguta ramarinda amadzibaba angu, ndinorivaka."
6
Mambo akati kwandiri, (navahosiwo vakanga vagere naye), "Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rinhi?" Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva.
7
Uye ndakatiwo kuna mambo, "Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe mwadhi dzakanyorerwa vabati vari mhiri korwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha;
8
neimwe mwadhiwo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda." Mambo akandipa izvozvo, nokuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu.
9
Zvino ndikasvika kuvabati mhiri korwizi, ndikavapa mwadhi dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni.
10
Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, vakati vanzwa kuti kwakanga kwasvika munhu kuzotsvaka kuitira vana vaIsiraeri zvakanaka, zvikavaodza moyo kwazvo.
11
Naizvozvo ndakasvika Jerusaremu ndikagarapo mazuva matatu.
12
Ndikamuka usiku, ini navamwe vanhu vashoma; asi handina kuudza munhu zvakanga zvaiswa mumoyo mangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu; uye ndakanga ndisine chimwe chipfuwo neni, asi chipfuwo chandakanga ndichitasva.
13
Ndikabuda usiku napasuo roMupata, ndikaenda nokutsime reShato, nesuo raMarara, ndikacherekedza masvingo eJerusaremu akanga akoromoka, namasuo aro akanga atsva nomoto.
14
Ipapo ndikapfuurira kusvika pasuo reTsime, nokudziva ramambo; asi pakanga pasine nzvimbo pangapfuura napo chipfuwo chandakanga ndakatasva.
15
Ipapo ndakakwira usiku naparukova, ndikacherekedza rusvingo; ndikadzoka, ndikapinda napasuo roMupata, ndikadzoka saizvozvo.
16
Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; nokuti ndakanga ndisina kuudza vaJudha, kana vaprista, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vabati vebasa.
17
Zvino ndakati kwavari, "Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa."
18
Ndikavaudza zvokunaka koruoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, "Ngatisimuke, tivake." Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.
19
Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, naGeshemu, muArabhia, vakati vachinzwa, vakatisweveredza, nokutininipisa, vakati, "Chinyiko ichi chamunoita? Munoda kumukira mambo kanhi?"
20
Ipapo ndakavapindura, ndikati kwavari, "Mwari wokudenga achatifambisa zvakanaka; saka isu varanda vake tichasimuka, nokuvaka; asi imwi hamuno mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusaremu."
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13