bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Nehemiah 8
Nehemiah 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Zvino vanhu vose vakaungana nomoyo mumwe padare rakanga riri pamberi pesuo remvura; vakaudza Ezira munyori kuti auye nebhuku yomurayiro waMozisi, wakanga warairwa vaIsiraeri naJehovha.
2
Ezira muprista ndokuuya nomurayiro pamberi peungano yavarume navakadzi, navose vakanga vachigona kunzwisisa, nezuva rokutanga romwedzi wechinomwe.
3
Akaravamo padare rakanga riri pamberi pesuo remvura, kubva mangwanani kusvikira masikati, pamberi pavarume navakadzi navose vakanga vachigona kunzwisisa; nzeve dzavanhu vose dzikateerera mashoko ebhuku yomurayiro.
4
Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikia naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake.
5
Ezira akazarura bhuku pamberi pavanhu vose; (nokuti akanga amire kumusoro kwavanhu vose;) zvino akati achizarura vanhu vose ndokusimuka.
6
Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, "Ameni, Ameni," vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.
7
Jeshua, naBhani, naSherebhia, naJamini, naAkubhi, naShabhetai, naHodhia, naMaaseya, naKerita, naAzaria, naJozabhadhi, naHanani, naPeraya, navaRevhi vakadudzira vanhu mirairo; vanhu vakaramba vamire panzvimbo yavo.
8
Vakarava zvichinzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira,,vakanzwisisa zvinorahwa.
9
Ipapo mubati Nehemiya, nomuprista Ezira munyori, navaRevhi vakadzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose, "Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musaungudza nokuchema; nokuti vanhu vose vakachema vachinzwa mashoko omurayiro."
10
Ipapo akati kwavari, "Endai henyu, mudye zvakakora, nokumwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu nokuti zuva rino idzvene kuna She wedu; musava neshungu, nokuti mufaro waJehovha isimba renyu."
11
Naizvozvo vaRevhi vakanyaradza vanhu vose, vachiti, "Nyararai henyu, nokuti izuva dzvene; musava neshungu."
12
Ipapo vanhu vose vakaenda kundodya nokumwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.
13
Zvino pazuva rechipiri vakuru vedzimba dzamadzibaba avanhu vose, navaprista, navaRevhi, vakaunganira kuna Ezira munyori, kuzoteerera mashoko omurayiro.
14
Vakawana pakanyorwa mumurayiro, kuti Jehovha akaraira Mozisi, kuti vana vaIsiraeri vanofanira kugara pamatumba pamutambo womwedzi wechinomwe;
15
uye kuti vanofanira kuzivisa nokuparidza shoko iro pamaguta avo ose, napaJerusaremu, vachiti, "Budirai kugomo, mundotora matavi emiorivhi, namatavi emiorivhi yomusango, namatavi emimirite, namatavi emichindwe, namatavi emiti mikobvu, kuti muite matumba sezvakanyorwa."
16
Naizvozvo vanhu vakabuda, vakauya nawo, vakazviitira matumba, mumwe nomumwe pamusoro pedenga reimba yake, napavazhe dzavo, napavazhe dzeimba yaMwari, napadare resuo remvura, napadare resuo raEfuremu.
17
Ungano yose yavakanga vakadzoka pakutapwa vakaita matumba, vakagara pamatumba; nokuti kubva pamazuva aJeshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iro, vana vaIsiraeri vakanga vasina kuita izvozvo. Pakava nomufaro mukuru.
18
Uye zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rokupedzisira, akarava pabhuku yomurayiro waMwari. Vakaita mutambo mazuva manomwe; pazuva rorusere vakaita ungano yokupedzisira, sezvakanga zvatemwa.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13