bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Philippians 1
Philippians 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Pauro naTimotio, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose munaKristu Jesu, vari paFiripi, navatariri navaranda vekereke:
2
Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu.
3
Ndinovonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikurangarirai,
4
ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kose, pamusoro penyu mose
5
nokuda kokusongana kwenyu paevhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino;
6
ndichiziva chinhu ichi, kuti iye wakatanga basa rakanaka mukati menyu, ucharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu;
7
sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakutavirira nokusimbisa evhangeri, imwi makagoverwa nyasha pamwe chete neni.
8
Nokuti Mwari chapupu changu kuti ndinokushuvai mose zvikuru netsitsi dzaKristu Jesu.
9
Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakunzva nokunzwisisa kose;
10
kuti muidze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, navasine mhosva, kusvikira pazuva raKristu;
11
muzere nechibereko chokururama, chinovuya naJesu Kristu, kuti Mwari ave nokubwinya nokurumbidzwa.
12
Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti izvo zvakandiwira zvakatofambisa evhangeri;
13
nokudaro kuti kusungwa kwangu kwakazikamwa muimba yashe yose, nokuna vamwe vose kuti kuri munaKristu.
14
Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.
15
Vamwe havo vanoparidza Kristu negodo negakava, vamwe nomoyo wakanaka;
16
mumwe unoparidza Kristu nenharo, asingaiti nomoyo wakachena, vachiti vawedzere nhamo pakusungwa kwangu.
17
Vamwe havo vanoita norudo, vachiziva kuti ndakagadzwa kuti nditavirire evhangeri.
18
Zvisinei hazvo? asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nechokwadi; ndinofara nazvo, uye ndichasifara hangu nazvo.
19
Nokuti ndinoziva kuti nokuda kokukumbira kwenyu nokusimbiswa koMweya waJesu Kristu, izvozvi zvichava kuponeswa kwangu,
20
zvandinotarira zvikuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu chimwe asi kuti zvino, sapanguva dzose, nokusatya kwangu kose Kristu uchakudzwa mumuviri wangu, kana novupenyu, kana nokufa.
21
Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma.
22
Zvino kana ndichirarama panyama, izvo zvichandipa zvibereko zvokubata kwangu; handizivi chandichasanangura;
23
zvino ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri: ndinoda kubva, kuti ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuvura nokunaka;
24
asi nokuda kwenyu zvakanaka kuti ndigare panyama.
25
Zvino ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mose, kuti mupfuvurire mberi, mufare pakutenda;
26
kuti muzvirumbidze zvikuru munaKristu Jesu pamusoro pangu nokuda kokudzokera kwangu kwamuri.
27
Asi fambaichetezvakafanira evhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikavuya ndikakuvonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomoyo mumwe, muchirwira kutenda kweevhangeri;
28
musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kunaMwari.
29
Nokuti nokuda kwaKristu imwi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike vo nokuda kwake;
30
imwi muchirwa vo nokurwa uku kwamakavona kwandiri, kwamunonzwa kuti ndinorwa nazvino.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4