bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Philippians 4
Philippians 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Naizvozvo, hama dzangu, vadikamwa vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo munaShe, vadikamwa.
2
Ndinokumbira zvikuru Yuodia, ndinokumbira zvikuru Sindike, kuti vave nomoyo mumwe munaShe.
3
Hongu, newe vo, shamwari yangu yechokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paevhangeri, pamwe chete naKiremenzi, navamwe vakabata pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku yovupenyu.
4
Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidza zve: Farai.
5
Vunyoro bwenyu ngabwuzikamwe navanhu vose. Ishe uri pedo.
6
Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuvonga.
7
Zvino rugare rwaMwari runopfuvura kunzwisisa kose, rucharinda moyo yenyu nemifungo yenyu munaKristu Jesu.
8
Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikamwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.
9
Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakavona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.
10
Ndakafara zvikuru munaShe, nokuti zvino makapepukazve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashaiwa nguva.
11
Handirevi izvozvi nokuti ndinoshaiwa, nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.
12
Ndinoziva vurombo, ndinozivavo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa.
13
Ndingaita zvinhu zvose naKristu unondisimbisa.
14
Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasongana neni pakutambudzika kwangu.
15
Munoziva vo, imwi vaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, ndichibva Makedhonia, pakanga pasinekereke imwe yakasongana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imwi moga;
16
nokuti napaTesaronika makanditumira kamwe, norwechipiri zve, pakushaiwa kwangu.
17
Handirevi kudaro kuti nditsvake chipo, asi ndinotsvaka chibereko chamunozofumiswa nacho.
18
Zvino ndava nezvose, ndafumiswa; ndaguta, ndagamuchira kunaEpafrodito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sobwema bwunonhuhwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.
19
Zvino Mwari wangu uchazadzisa kushaiwa kwenyu kose pafuma yake, mukubwinya, munaKristu Jesu.
20
Zvino Mwari, Baba vedu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
21
Ndikwazisirei mutsvene mumwe nomumwe munaKristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.
22
Vatsvene vose vanokukwazisai, zvikuru avo veimba yaKesari.
23
Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Amen.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4