bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Philippians 3
Philippians 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Pakupedzisira, hama dzangu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai zve zvinhu zviya, asi zvinokusimbisai imi.
2
Ityai imbwa, ityai vabati vakaipa, ityai vokucheka;
3
nokuti isu tiri vokudzingiswa, tinonamata Mwari muMweya, tinozvirumbidza munaKristu Jesu, tisingavimbi nenyama,
4
kunyange ini hangu ndingavimba nenyama; kana kunomumwe munhu unoti ndinovimba nenyama, zvikuru ini.
5
Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwavaIsraeri veimba yaBenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurairo ndiri muFarisi;
6
pakushingaira kwangu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebwa nomurairo ndakanga ndisina chandingapomerwa.
7
Asi izvozvo, zvaiva fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu.
8
Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kokunaka kokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu,wandakarashikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviidza marara, kuti ndiwane Kristu;
9
ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri komurairo, asi kuri kokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMwari nenzira yokutenda
10
kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusongana naye pamatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;
11
kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa.
12
Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairira 'ko, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira.
13
Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokangamwa zviri shure, ndichinanavira kunezviri mberi.
14
ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, munaKristu Jesu.
15
Naizvozvo isu tose, takakwana, ngative nomoyo wakadaro; kana imwi muno mumwe moyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvo vo.
16
Asi, apo patasvika ngatirambe tichifambachetenomurairo iwoyu tifunge chinhu chimwe.
17
Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai su.
18
Nokuti vazhinji, vandakakuvudzai kazhinji, nazvino ndinokuvudzai vo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu;
19
kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika.
20
Nokuti nyika yedu iri kudenga, uko kwatakatarira kuvuya koMuponesi Ishe Jesu Kristu;
21
uyo uchavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogona vo naro kuzviisira zvose pasi pake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4