bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Song of Solomon 1
Song of Solomon 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 2 →
1
Rwiyo rukuru rwaSoromoni.
2
Ngaanditsvode nokutsvoda komuromo wake; Nokuti rudo rwako rwakanaka kupfuura waini.
3
Zvizoro zvako zvinonhuhwira zvakanaka; Zita rako rakaita samafuta akadururwa; Saka mhandara dzinokuda.
4
Ndikwevere kwauri; tichakutevera tichimhanya; Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati; Tichafara nokukufarira zvikuru iwe; Ticharumbidza rudo rwako kupfuura waini; Zvakarurama zvavakakuda.
5
Ndakasviba, asi ndakanaka hangu, imwi vakunda veJerusaremu, Samatende eKedhari, Semicheka yakaremberedzwa yaSoromoni.
6
Musanditarira, zvandakasviba, Nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira, Vakandiita murindi weminda yemizambiringa; Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta.
7
Ndiudze iwe, unodikamwa nomweya wangu, Kuti unofudza boka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; Nokuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamwari dzako?
8
Kana usingazivi, iwe unopfuura vakadzi vose nokunaka, Tevera makwara amapoka, Ufudze makwayana ako kurutivi rwamatende avafudzi.
9
Ndakakufananidzira iwe, shamwari yangu, Nebhiza pangoro dzaFarao.
10
Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi; Mutsipa wako nezvibwe zvinokosha zvakatungirwa.
11
Tichakuitira zvirukwa zvendarama Nezvuma zvesirivha.
12
Nguva yose mambo agere patafura yake, Nadho yangu yakabudisa kunhuhwira kwayo.
13
Mudiwa wangu akaita kwandiri sehombodo yemura, Inogara pakati pamazamu angu.
14
Mudiwa wangu akaita kwandiri sesumbu ramaruva ehena, Paminda yemizambiringa paEngedhi.
15
Tarira, wakanaka, shamwari yangu; Tarira, wakanaka; Meso ako akafanana neenjiva.
16
Tarira, wakanaka, mudiwa wangu, zvirokwazvo, unofadza; Uvato bwedu ndipo pabumhudza.
17
Matanda eimba yedu ndeemisidhari; Mbariro dzayo ndedzemisiperesi.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8