bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Song of Solomon 4
Song of Solomon 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 5 →
1
Tarira, akanaka sei, shamwari yangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.
2
Meno ako akafanana neboka ramakwai achangoveurwa, Anobva pakushambwa; Rimwe nerimwe rawo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.
3
Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
4
Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDhavhidhi. Yakavakirwa nhumbi dzokurwa, Makaturikwa nhovo dzine churu chezana, Dzose dziri nhovo dzemhare.
5
Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vari vana vakaberekwa vari vaviri, Vanochera pakati pamaruva ebundo.
6
Kana zuva rotonhorera, mimvuri yotiza, Ndichaenda kugomo remura, Nokuchikomba chezvinonhuhwira.
7
Akaisvonaka, iwe shamwari yangu; Hakuna gwapa kwauri.
8
Hendei tose, iwe mwenga wangu, tibve paRebhanoni, Tibve paRebhanoni tose; Tarira uri pamusoro weAmana, Pamisoro yeSeniri neHerimoni, Panzvimbo dzeshumba, Pamakomo engwe.
9
Wanditorera moyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera moyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako.
10
Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuhwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuhwira!
11
Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi wouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuhwira kwenguvo dzako kwakafanana nokunhuhwira kweRebhanoni.
12
Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.
13
Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenaridho,
14
Naridho nesafironi, Karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuhwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuhwira.
15
Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni.
16
Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuhwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8