bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Song of Solomon 8
Song of Solomon 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
1
Aiwa, dai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu, Akamwa mazamu amai vangu! Dai ndakuwana panze, ndakutsvoda; Zvirokwazvo, hakuna aindishora.
2
Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuhwira kuti uimwe, Nomukumbi wamatamba angu.
3
Ruoko rwake rworuboshwe ngaruve pasi pomusoro wangu, Ruoko rwake rworudyi ngarundimbundikire.
4
Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
5
Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje, Akasendamira pamudiwa wake? Pasi pomuapuri ndipo pandakakumutsa; Ndipo pakakutamburira mai vako, Ndipo pavakakutamburira, ivo vakakubereka.
6
Ndishonge sechisimbiso pamoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa komoto, Murazvo chaiwo waJehovha.
7
Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose.
8
Tine chinun'una, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinun'una chedu Nezuva raachakumbirwa?
9
Kana ari rusvingo, Tichavaka pamusoro pake kashongwe kesirivheri Kana ari mukova, Tichamukomberedza namapuranga emisidhari.
10
Ini ndaiva rusvingo, mazamu angu akaita shongwe dzarwo; Panguva iyo ndakava pamberi pake somunhu akawana rugare.
11
Soromoni akanga ano munda wemizambiringa paBhaarihamoni, Akaisa munda uyo kuvatariri; Mumwe nomumwe aifanira kumuvigira masirivha ane gumi ramazana pamusoro pezvibereko zvawo.
12
Munda wangu wemizambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; Iwe Soromoni, uchapiwa gumi ramazana, Navanochengeta zvibereko zvawo vachapiwa mazana maviri.
13
Iwe, unogara muminda, Shamwari dzako dzinoteerera inzwi rako; Nditendere ini ndirinzwewo.
14
Kurumidza, mudiwa wangu, Uve semharapara kana mwana wenondo Pamusoro pamakomo ezvinonhuhwira.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8