bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Timothy 1
1 Timothy 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
1
Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuraira kwaMŋari, Muponesi weɗu, naKristu Jesu, tariro yeɗu;
2
kunaTimotio, mŋana waŋgu caiye pakutenda: Nyasha, neŋgoni, norugare, ɀinobva kunaMŋari Ƃaɓa, naKristu Jesu, Ishe weɗu, ŋgaɀiʋe newe.
3
Seɀandakakumbira ɀikuru kwauri, ini ndicienda Makedonia, ndinoti, usare paEfeso, kuti uraire ʋamŋe ʋarege kudzidzisa dzimŋe dzidziso;
4
kana kuraŋgarira ŋgano namazita amadziteteguru asiŋgaperi, ɀinoŋgomutsa nharo, ɀisiŋga tendisi ɀakarairwa naMŋari, ɀiri mukutenda.
5
Asi cinoʋaʋarirwa nomurairo ndirwo ruɗo runobva pamŋoyo wakacena, napahana yakanaka, napakutenda kusiŋganyeŋgeri;
6
ʋamŋe ʋakarashika paɀinhu iɀoɀi, ʋakatsaukira kukutaura kusinamaturo;
7
ʋacitȿaka kuti ʋaʋe ʋadzidzisi ʋomurairo, ʋasiŋgaziʋi ɀaʋanoreʋa kana ɀaʋanosimbisa.
8
Asi tinoziʋa kuti murairo wakanaka, kana munhu aciita nawo seɀinoreʋa murairo,
9
aciziʋa kuti murairo hauna‐kuitirwa wakarurama, asi ʋasinehanya nomurairo, naʋasiŋgatereri, naʋasiŋgaɗi Mŋari, naʋatadzi, naʋasi ʋatȿene, naʋasinehanya naMŋari, naʋanoroʋa madziɓaɓa, naʋanoroʋa madzimai, naʋanoʋuraya ʋanhu;
10
nemhombge, naʋanopombora naʋarume, naʋanoɓa ʋanhu, naʋanoreʋa nhema, naʋanopika nhema, ʋuye kana cimŋe ciri’ko cinopesana nedzidziso yakarurama;
11
seɀinoreʋa Evaŋgeri yokubginya kwaMŋari womufaro, yandakapiwa ini.
12
Ndinomuʋoŋga iye Kristu Jesu, Ishe weɗu, wakandipa simba, nokuti wakati ndakatendeka, akandiisa paɓasa rake;
13
kunyaŋge ini ndaiʋa mumhuri waMŋari kare, nomutambudzi ndiciitira vanhu ɀakaipa; asi ndakaitirwa ŋgoni, nokuti ndakaŋga ndiciɀiita nokusaziʋa pakusatenda;
14
asi nyasha dzaShe weɗu dzakawanda ɀikuru nokutenda, noruɗo ruri munaKristu Jesu.
15
Ishoko raɀokwaɗi, rinofanira kutendwa kwaɀo, kuti Kristu Jesu wakaʋuya panyika kuzoponesa ʋatadzi; aʋo, ini ndiri mukuru waʋo;
16
asi naiɀoɀo ndakaitirwa ŋgoni, kuti Jesu Kristu aratidze mŋoyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru waʋatadzi, kuti ndiʋe ciratidzo kunaʋanozotenda kwaari, ɀinoʋaisa kuʋupenyu bgusiŋgaperi.
17
Ɀino iye Ishe usiŋgaperi, usiŋgafi, usiŋgaʋonekwi, Mŋari woga, ŋgaaʋe nokukudzwa nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
18
Ƃasa iri, rakarairwa, ndinokupa iro, iwe Timotio, mŋana waŋgu, kuti seɀaɀakaprofitwa kare pamsoro pako, urwe pfumo rakanaka maɀiri;
19
wakaɓata kutenda nehana yakarurama; iyo yakarashwa naʋamŋe, ʋakarashikirwa nokutenda;
20
ʋamŋe ʋaʋo ndiHimenio naAreksandro, ʋandakaisa kunaSatani, ʋadzidziswe kuti ʋarege kumhura Mŋari.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6