bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Timothy 3
1 Timothy 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
1
Ishoko raɀokwaɗi, rokuti, kana munhu acitȿaka ɓasa romutariri, unoɗa ɓasa rakanaka.
2
Naiɀoɀo mutariri unofanira kuʋa munhu usina‐caaŋgapomerwa, murume womukadzi mumŋe cete, wakaŋgwara, wakacenjera, unomugarire wakafanira, unoitira ʋaeni ruɗo, unoziʋa kudzidzisa,
3
usiŋgaɗi waini, usiŋgarwi; asi munyoro, usinegakaʋa, usiŋgakariri mari;
4
unoɓata imba yake ɀakanaka, unaʋana ʋanoɀiisa pasi nomugarire wose unokudzwa;
5
(kana munhu asiŋgaziʋi kuɓata imba yake, uŋgaceŋgeta seiko kereke yaMŋari?)
6
Asaʋa mutendi mutȿa, kuti arege kuzoɀikudza, atoŋgwe saDiaborosi.
7
Ʋuye ɀe, unofanira kupupurirwa ɀakanaka naʋari kunze, kuti arege kuɀidzwa, nokuɓatwa mumusuŋgo waDiaborosi.
8
Saiɀoɀo ʋo ʋashumiri ŋgaʋaʋe ʋanokudzwa, ʋasinamanzwi maʋiri, ʋasiŋgaɗi waini zhinji, ʋasiŋgakariri fuma yakaipa;
9
ʋanoceŋgeta ɀakaʋanzika ɀokutenda muhana yakanaka.
10
Naiʋo ŋgaʋataŋge kuidzwa ʋo, ipapo ʋashumire, kana ʋasina‐caʋaŋgapomerwa.
11
Saiɀoɀo naʋakadzi ŋgaʋaʋe ʋanokudzwa, ʋasiŋgaceri ʋamŋe, ʋakaȿinuka, ʋakatendeka paɀose.
12
Ʋashumiri ŋgaʋaʋe ʋarume ʋanomukadzi mumŋe cete, ʋanoɓata ʋana ʋaʋo nedzimba dzaʋo ɀakanaka;
13
nokuti aʋo ʋakashumira ɀakanaka, ʋanoɀiwanira zita rinokudzwa, nokutsuŋga kukuru pakutenda kwaʋo munaKristu Jesu.
14
Ɀinhu iɀi ɀose ndinokunyorera, ndiciti ndicakurumidza kuʋuya kwauri;
15
ɀino kana ndikanonoka, ndinoɗa kuti uziʋe kuti ʋanhu ʋanofanira kufamba sei mumba maMŋari, iyo kereke yaMŋari mupenyu, mbiru necitsigiro ceɀokwaɗi.
16
Hakuna‐uŋgaramba kuti cakaʋanzika cokunamata cikuru kwaɀo, cokuti: Iye wakaratidzwa panyama, wakaruramiswa pamŋeya, wakaʋonekwa naʋatumŋa, wakaparidzwa pakati paʋahedeni, wakatendwa panyika, wakakwidzwa mukubginya.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6