bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Timothy 6
1 Timothy 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
1
Ʋose ʋari ʋaranda pasi pejoko, ŋgaʋati ʋatenzi ʋaʋo ʋanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMŋari nedzidziso ɀirege kumhurwa.
2
Aʋo ʋanaʋatenzi ʋanotenda, ŋgaʋarege kuʋaɀidza ɀadziri hama, asi ɀikuru ŋgaʋaʋaɓatire, ɀaʋari ʋatendi naʋanoɗikanwa ʋanoɓatsirwa nokuɓata kwaʋo kwakanaka. Dzidzisa ɀinhu iɀi, uɀiraire.
3
Kana kunomunhu unodzidzisa imŋe dzidziso, asiŋgabvumiri mashoko akarurama, mashoko aShe weɗu, Jesu Kristu, nedzidziso inonzwana nokunamata Mŋari,
4
unoŋgoɀikudza, asiŋgaziʋi cinhu, asi unoŋgokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa goɗo, negakaʋa, nokutuka, nokufuŋgidzira kwakaipa,
5
nokukakaʋadzana kusiŋgaperi kwaʋanhu ʋanomuraŋgariro wakaʋodzwa, ʋakatorerwa ɀokwaɗi, ʋaciti kunamata Mŋari ndiɀo ɀinofumisa.
6
Ɀino kunamata Mŋari pamŋe cete nokutenda neɀatinaɀo ndiɀo ɀinofumisa kwaɀo;
7
nokuti hatina‐kuʋuya necinhu panyika, hatigoni ʋo kuɓuɗa tinecinhu;
8
asi kana tineɀokudya neɀokufuka, ticatenda naɀo.
9
Asi ʋanotȿaka kufuma, ʋanowira mukuidzwa nomumusuŋgo, nomukuciʋa kwoʋupenzi kuzhinji kunokuʋadza, ɀinonyudza ʋanhu mukuparadzwa nokurashwa.
10
Nokuti kuɗa mari ndiwo mudzi weɀakaipa ɀose; ʋamŋe ʋakati ʋaciiɗa ɀikuru ʋakatsauswa pakutenda, ʋakaɀiɓaya neshuŋgu zhinji.
11
Asi iwe, munhu waMŋari, tiza ɀinhu iɀi; uteʋere kururama nokunamata Mŋari, nokutenda, noruɗo, nokutsuŋgirira, noʋunyoro.
12
Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, uɓatisise ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgawakaɗanirwa kwabguri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi peɀapupu ɀizhinji.
13
Ndinokuraira pamberi paMŋari, unopa ɀinhu ɀose ʋupenyu bgaɀo, napamberi paKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato;
14
kuti uceŋgete murairo, usinoruʋara, usina‐cauŋgapomerwa, kuȿikira pakuʋonekwa kwaShe weɗu, Jesu Kristu;
15
kwaacazoratidza paŋguʋa dzake, iye oga wakaropafadzwa noWamasimba‐ose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe;
16
iye oga usiŋgafi, ugere paciedza cisiŋgasweɗerwi, usina‐kumboʋonekwa nomunhu, ʋuye usiŋgagoni kuʋonekwa; kukudzwa nesimba risiŋgaperi ŋgaɀiʋe kwaari. Ameni.
17
Raira ʋafumi panyika yaɀino, kuti ʋarege kuɀikudza, kana kuʋimba nefuma isiŋgagari, asi naMŋari, unotipa ɀose aciwanza, kuti tifare naɀo;
18
kuti ʋaite ɀakanaka, ʋaʋe ʋafumi pamaɓasa akanaka, ʋafarire kupa ʋamŋe, nokugoʋana;
19
ʋaɀiroŋgedzere nheyo dzakanaka dzeŋguʋa inoʋuya, kuti ʋaɓatisise ʋupenyu caibgo.
20
Iwe, Timotio, ceŋgeta ico cawakapiwa, ufuratire kutaura kusinehanya naMŋari nokuramba kunobva paziʋo inonzi ziʋo, dziri nhema hadzo;
21
iyo yakapupurwa naʋamŋe, ʋakazorashika pakutenda. Nyasha ngadziʋe nemi.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
All chapters:
1
2
3
4
5
6