bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Timothy 4
1 Timothy 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
1
Ɀino Mŋeya unoreʋa pacena, kuti paŋguʋa dzinoʋuya ʋamŋe ʋacatsauka pakutenda, ʋaciterera mŋeya inonyeŋgera nedzidziso dzemŋeya yakaipa,
2
ʋacinyeŋgerwa naʋanoreʋa nhema, ʋakapiswa pahana dzaʋo neɗare rinopisa,
3
ʋacidziʋisa ʋanhu kuwanana, nokuraira kuti ɀimŋe ɀokudya ɀiregwe, ɀakasikwa naMŋari, kuti ɀigamucirwe nokuʋoŋga naʋanotenda, ʋanoziʋa ɀokwaɗi.
4
Nokuti ɀose ɀakasikwa naMŋari ɀakanaka, hakunecinhu ciŋgafanira kurashwa, kana cicigamucirwa nokuʋoŋga;
5
nokuti cinoitwa citȿene neshoko raMŋari nokunyeŋgetera.
6
Kana uciyeʋudzira hama ɀinhu iɀi, ucaʋa mushumiri wakanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakateʋera nomŋoyo wose.
7
Asi urambe ŋgano dzisinehanya naMŋari nedzecembere. Uɀiroʋedze kunamata Mŋari.
8
Nokuti kuroʋedza muʋiri kunoɓatsira ɀishoma haɀo, asi kunamata Mŋari kunoɓatsira paɀinhu ɀose, ɀakunecipikirwa coʋupenyu bgaɀino nobgunoʋuya.
9
Ishoko raɀokwaɗi, rinofanira kutendwa kwaɀo.
10
Nokuti ndiɀo ɀatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yeɗu iri kunaMŋari mupenyu, Muponesi waʋanhu ʋose, ɀikuru waʋanotenda.
11
Raira nokudzidzisa ɀinhu iɀi.
12
Munhu ŋgaarege kuʋa’po unoɀidza ʋuɗuku bgako, asi uitire ʋanotenda makwara, pashoko napamufambire, naparuɗo, napakutenda, napakucena kwomŋoyo.
13
Shiŋgaira pakuraʋa, napakuraira, napakudzidzisa, kuȿikira ndiciʋuya.
14
Usarega kuceŋgeta cipiwa ciri mauri, cawakapiwa nokuprofita, nokuiswa maʋoko aʋakuru.
15
Shiŋgairira ɀinhu iɀi, uɀiite nomŋoyo wose, kuti kupfuʋurira mberi kwako kuʋonekwe naʋanhu ʋose.
16
Uɀiceŋgete iwe nedzidziso yako. Urambire paɀinhu iɀi, nokuti kana uciita iɀoɀi, ucaɀiponesa iwe naʋanokunzwa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6