bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Malachi 1
Malachi 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Cireʋo ceshoko raJehova kunaIsraeri cakatumŋa naMaraki.
2
Ndakakuɗai — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro imi munoti: Makatiɗa neiko? Ko Esau wakaŋga asi mukoma waJakobo here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakaɗa Jakobo;
3
asi Esau ndakamuʋeŋga, ndikaita makomo ake matoŋgo, ndikapa makaʋa amarenje nhaka yake.
4
Kunyaŋge Edomi ʋakati: Takaparadzwa heɗu, asi ticadzoka tikaʋaka ɀe matoŋgo; ɀanzi naJehova wehondo: Ʋacaʋaka, asi ini ndicakoromora; ʋanhu ʋacaʋatumidza, nyika yeɀakaipa, ʋuye ʋanhu ʋakatsamŋirwa naJehova nokusiŋgaperi.
5
Meso enyu acaʋona, mukati: Jehova unokudzwa munyika yose yaIsraeri.
6
Mŋanakomana unokudza ɓaɓa ʋake, nomuranda unokudza tenzi wake; ɀino kana ndiri ɓaɓa ʋenyu, kukudzwa kwaŋgu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwaŋgu kuripiko? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo kwamuri, imi ʋaprista ʋanoɀidza zita raŋgu. Ɀino imi moti: Tinoɀidza zita renyu neiko?
7
Munondiʋigira ciŋgwa cinetȿina paartari yaŋgu. Ɀino moti: Takakuȿiɓisai neiko? Pakutaura kwenyu muciti: Tafura yaJehova ŋgaiɀidzwe hayo.
8
Kana mucindiʋigira cakapofumara ciʋe ciɓayiro, haɀina‐kuipa here! Kana mucindiʋigira cinokamhina necinorwara haɀina‐kuipa here? Ciɀiʋigirai muɓati wenyu; uŋgakufarirai here? Kana uŋgakugamucirai here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
9
Ɀino cikumbirai henyu nyasha dzaMŋari, kuti atinzwire ŋgoni. Ndiɀo ɀakaitwa namaʋoko enyu; ko uŋgagamucira mumŋe wenyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
10
Haiwa, ɗai kwaiʋa nomumŋe wenyu waizarira hake mikoʋa, kuti murege kuɓatidza mŋoto paartari yaŋgu pasina! Handikufaririyi imi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — handiŋgagamuciri camunondiʋigira namaʋoko enyu.
11
Nokuti kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni; pose‐pose ɀinonhuwira ɀicaʋigirwa zita raŋgu, ʋuye cipiriso cisinetȿina; nokuti zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
12
Asi imi munoɀimhura, ɀamunoti: Tafura yaJehova yakaȿiɓiswa, ɀiɓereko ɀayo, iɀo ɀokudya ɀayo, ŋgaɀiɀidzwe haɀo.
13
Munoti ʋo: Tarirai ɀinonetsa sei! Maɀishoʋora — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; makandiʋigira ɀakapambga, neɀinokamhina, neɀinorwara; ndiɀo ɀamunondiʋigira cipiriso; ɀino ndiŋgaɀigamucira pamaʋoko enyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
14
Asi munyeŋgeri ŋgaatukwe unegondobge pakati pamakwai ake, ndokupika nokuɓayira Ishe cinhu cakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — zita raŋgu rinotyisa pakati paʋahedeni.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4