bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Malachi 2
Malachi 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Ɀino imi ʋaprista, cinzwai uyu murairo unoʋuya kwamuri.
2
Kana imi musiŋgaɗi kunzwa, kana musiŋgaɗi kuita nomŋoyo wenyu ɀandakaraira kuti mukudze zita raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ipapo ndicatuma kutuka pamsoro penyu, ndicatuka ropafadzo dzenyu; ɀirokwaɀo ndatoɀituka, nokuti hamuɀiiti nomŋoyo wenyu.
3
Tarirai, ndicatuka ʋana ʋenyu, ndicamhamira ndoʋe kuɀiso ɀenyu, iyo ndoʋe yemitambo yenyu; mucabviswa pamŋe cete naro.
4
Ipapo mucaziʋa kuti ndini ndakakutumirai murairo uyu, kuti suŋgano yaŋgu iʋe naRevi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
5
Suŋgano yaŋgu naʋo yakaŋga iri yoʋupenyu norugare; ndakaʋapa iɀo kuti ʋa ndi tye, ʋakanditya, ʋakaɗeɗera nokuɗa kwezita raŋgu.
6
Murairo weɀokwaɗi wakaŋga uri mumuromo waʋo, kusarurama hakuna‐kuwanikwa pamiromo yaʋo; ʋakafambidzana neni norugare nokururama, ʋakadzora ʋazhinji paɀakaipa.
7
Nokuti miromo yomuprista inofanira kuceŋgeta ziʋo, ʋanhu ʋanofanira kubvunza murairo pamuromo wake; nokuti ndiye nhume yaJehova wehondo.
8
Asi imi makatsauka panzira; makagumbusa ʋazhinji pamurairo; makaȿiɓisa suŋgano yaRevi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
9
Saka ndakakuitai ʋanhu ʋanoɀidzwa naʋanorambga naʋanhu ʋose, ɀamusina‐kuceŋgeta nzira dzaŋgu, mukatsaura ʋanhu pa kutoŋga murairo.
10
Ko isu tose hatinaɓaɓa ʋamŋe here? Haazi Mŋari mumŋe wakatisika here? Tinogonyeŋgerana neiko mumŋe nomumŋe hama yake, ticimhura suŋgano yamadziɓaɓa eɗu?
11
Juda ʋakanyeŋgera, cinhu cinonyaŋgadza cakaitwa pakati paIsraeri napaJerusarema; nokuti Juda ʋakamhura nɀimbo tȿene yaJehova, inoɗikanwa naye, ʋakawana mukunda wamŋari waʋatorwa.
12
Munhu unoita ɀakaɗai, Jehova ucamubvisira pamatente aJakobo, unoɗana nounopindura, nounoʋigira Jehova wehondo ɀipiriso.
13
Munoita ʋo iɀoɀi: Munofukidza artari yaJehova nemisodzi, nokucema, nokugomera, naiɀoɀo haacaraŋgariri cipiriso, kana kucigamucira nomufaro pamaʋoko enyu.
14
Kunyaŋge ɀakaɗaro munoti: Nemhaka yeiko? Nokuti Jehova wakaŋga ari capupu pakati pako nomukadzi woʋujaya bgako, wawakanyeŋgera, kunyaŋge ari shamŋari yako, nomukadzi wako wawakaita suŋgano yako naye.
15
Ko haana‐kuita mumŋe cete, kunyaŋge akaŋga ano mumŋe Mŋeya wakasara here? Ɀino wakaitireiko mumŋe cete? Wakatȿaka rudzi rwaMŋari. Saka cenjererai mŋeya yenyu, kurege kuʋa nomumŋe unonyeŋgera mukadzi woʋujaya bgake.
16
Nokuti ndinoʋeŋga kurambana — ndiɀo ɀinotaura Jehova, Mŋari waIsraeri — ʋuye munhu unofukidza ŋguʋo yake nokumanikidza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; saka cenjererai mŋeya yenyu, kuti murege kunyeŋgera.
17
Makanetsa Jehova namashoko enyu. Kunyaŋge ɀakaɗaro munoti: Takamunetsa neiko? Pakutaura kwenyu, muciti: Mumŋe nomumŋe unoita ɀakaipa, wakanaka pamberi paJehova, ndiʋo ʋaanofarira; kana: Mŋari weɀakarurama uripiko?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4