bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Malachi 4
Malachi 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Nokuti tarirai, zuʋa rinoʋuya; rinopisa secoto; ipapo ʋose ʋanoɀikudza, naʋose ʋanoita ɀakaipa, ʋacaʋa samashaŋga; zuʋa, rinoʋuya, ricaʋapisa, rikasaʋasiyira mudzi kana ɗaʋi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
2
Asi imi, munotya zita raŋgu, mucaɓuɗirwa nezuʋa rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; mucaɓuɗa mucitamba semhuru dzomucirugu.
3
Mucatsikira ʋakaipa pasi; nokuti ʋacaʋa maɗota pasi petsoka dzenyu, nezuʋa randicaita iɀoɀi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
4
Raŋgarirai murairo waMosesi muranda waŋgu, wandakamuraira paHorebi, waʋaIsraeri ʋose, iɀo ɀandakatema neɀandakaraira.
5
Tarirai, ndicakutumirai muprofita Eria, zuʋa iro guru raJehova, rinotyisa, risati raȿika.
6
Iye ucadzorera mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, nemŋoyo yaʋana kunamadziɓaɓa aʋo, kuti ndirege kuʋuya ndiroʋe nyika nokutuka.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4