bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Malachi 3
Malachi 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Tarirai, ndinotuma nhume yaŋgu, iye ucandigadzirira nzira yaŋgu pamberi paŋgu; ipapo Ishe, wamunotȿaka, ucaȿika pakarepo patembere yake, iye Mutumŋa wesuŋgano, wamunoshuʋa, tarirai, unoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
2
Asi ndiani uŋgatsuŋga nezuʋa rokuʋuya kwake? Ndiani uŋgamira kana aciʋonekwa? Nokuti wakafanana nomŋoto womunatsi, nesipo yomusuki.
3
Iye ucagara pasi akafanana nomunatsi nomucenesi wesirveri; ucacenesa ʋanakomana ʋaRevi, nokuʋanatsa sendarama nesirveri; ipapo ʋacaʋigira Jehova ɀipiriso nokururama.
4
Ipapo cipiriso caJuda neJerusarema ɀicafadza Jehova, sapamazuʋa akare, sapamakore apakutaŋga taŋga.
5
Ndicasweɗera kwamuri kuti nditoŋge; ndicaʋa capupu cinokurumidza pamsoro paʋaroyi, napamsoro pemhombge, napamsoro paʋanopika nhema, napamsoro paʋanomanikidza muɓatiri pamuɓairo wake, necirikadzi, nenherera, napamsoro paʋanodziŋga ʋatorwa, ʋasiŋgandityi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
6
Nokuti ini Jehova handishanduki, saka imi, ʋanakomana ʋaJakobo, mugere kuparadzwa.
7
Kubva pamazuʋa amadziɓaɓa enyu makatsauka paneɀandakaraira, mukasaɀiceŋgeta. Dzokerai kwandiri, neni ndicadzokera kwamuri — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Asi imi munoti: Ticadzoka paɀinhu ɀipi?
8
Ko munhu uŋgaɓira Mŋari here? Kunyaŋge ɀakaɗaro munondiɓira. Asi imi munoti: Takakuɓirai paɀinhu ɀipi? Paneɀegumi neɀipiriso ɀinotsaurwa.
9
Makatukwa nokutuka; nokuti munondiɓira, irwo rudzi urwu rwose.
10
Ʋuyai neɀegumi ɀose muimba yokuʋigira, kuti ɀokudya ɀiʋe’po mumba maŋgu, mundiidze naiɀoɀi ɀino — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — muʋone kana ndisiŋgakuzaruriyi mawindi okuɗeŋga, ndikakuɗururirai mukomborero wamucashaiwa pokuisa.
11
Ndicatuka ʋo ʋudyi nokuɗa kwenyu, ʋurege kuparadza ɀiɓereko ɀeminda yenyu; nemizambiriŋga yenyu haiŋgazuki ɀiɓereko ɀayo mumunda, ŋguʋa isati yaȿika — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
12
Ndudzi dzose dzicati muri ʋanhu ʋakafara; nokuti mucaʋa nyika inofadza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
13
Mashoko enyu akaŋga ari makukutu kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro, munoti: Takataureiko pamsoro penyu?
14
Imi makati: Haɀinamaturo kushumira Mŋari; takawaneiko ɀatakaceŋgeta ɀaakaraira, ɀatakafamba takapfeka ŋguʋo dzokucema pamberi paJehova wehondo?
15
Ɀino tinoti ʋanoɀikudza ndiʋo ʋakafara; ɀirokwaɀo, ʋanoita ɀakaipa ndiʋo ʋanoʋakiswa; ɀirokwaɀo, ʋanoidza Mŋari ʋacipukunyuka.
16
Ipapo ʋaitya Jehova ʋakataurirana, Jehova akaterera, akanzwa, buku yokuraŋgaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuɗa kwaʋanotya Jehova, ʋaciraŋgarira zita rake.
17
Ʋacaʋa ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — iʋo ʋaŋgu caiʋo, nezuʋa randica ɀi ita; ndicaʋanzwira tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mŋanakomana wake unomuɓatira.
18
Ipapo mucaʋona ɀe kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mŋari nousiŋgamushumiri.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4