bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Peter 1
1 Peter 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Petirosi, mupostori waJesu Kristu, kuna vakasanangurwa vari vaeni, vakapararira muPonto, neGaratiya, neKapadhokia, neAsia, neBhitinia,
2
vakasanangurwa nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, muutsvene hwoMweya, kuti vateerere, vasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ngazviwanzwe kwamuri.
3
Mwari, Baba vaIshe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, akatiberekazve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inouya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa,
4
kuti tive nenhaka isingaori, isina mhosva, isingasvavi, yamakachengetererwa kudenga,
5
imi munorindwa nesimba raMwari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwagadzirwa, kuti ruratidzwe nenguva yokupedzisira.
6
Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiedzo mizhinji;
7
kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoedzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu;
8
iye wamunoda, kunyange musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya,
9
muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemweya yenyu.
10
Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunzverwa kwazvo navaporofita, vakaporofita zvenyasha dzamaizoitirwa imi,
11
vachinzvera kuti nguva ndeipi, kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo.
12
Avo, vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi, pazvinhu izvo zvamakataurirwa zvino naivo vakakuparidzirai Vhangeri noMweya Mutsvene akatumwa achibva kudenga; zvinhu izvo vatumwa vanoda kuzvichirekedza.
13
Saka zvisungei zviuno zvendangariro dzenyu, musvinure, mutarire nomwoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu;
14
muve savana vanoteerera, musingaenzanisi mufambiro wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu;
15
asi saiye mutsvene akakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambiro wenyu wose;
16
nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”
17
Zvino kana muchimuti Baba, iye anotonga achitarira zvakaitwa nomumwe asingatariri zvinoonekwa zvomunhu, garai panguva youtorwa hwenyu muchitya;
18
muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinoora, sesirivha kana ndarama, pamufambiro wenyu usina maturo, wamakasiyirwa namadzibaba enyu;
19
asi neropa raKristu, seregwayana risina charingapomerwa, risina ruvara;
20
iye wakazikanwa kare, nyika isati yavambwa, asi akaratidzwa pakuguma kwenguva nokuda kwenyu,
21
imi, munotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive kuna Mwari.
22
Zvamakanatsa mweya yenyu muchiteerera chokwadi, kuti mude hama nokusanyengera, munofanira kudana zvikuru nomwoyo wose;
23
nokuti makaberekwa kutsva, zvisingabvi pambeu inoora, asi pane isingaori, neshoko raMwari benyu rinogara nokusingaperi.
24
Nokuti, “Nyama yose yakaita souswa, Nokunaka kwose seruva rouswa. Uswa hunosvava, neruva rinowira pasi;
25
Asi shoko raIshe rinogara nokusingaperi.” Ndirori shoko romufaro ramakaparidzirwa.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5