bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Peter 2
1 Peter 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Naizvozvo rasai zvakaipa zvose, nokunyengera kwose, namanomano, negodo, nokuchera kwose,
2
savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa; kuti mukure nawo, mugoponeswa;
3
kana makaravira kuti Ishe anomwoyo munyoro.
4
Uyai kwaari, iye ibwe benyu, rakaraswa navanhu, asi rakasanangurwa naMwari, rinokosha.
5
Nemiwo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve upristi utsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu.
6
Nokuti muRugwaro zvirimo, zvinoti, “Tarira, ndinoisa muZioni ibwe rekona, rakasanangurwa, rinokosha; Neanotenda kwaari haanganyadziswi.”
7
Naizvozvo imi, munotenda, munako kukudzwa; asi kuna vasingatendi, “Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakaitwa musoro wekona;”
8
uye, “Ibwe rokugumbusa, Nedombo rokupinganidza.” Ndivo avo vanogumburwa neshoko, nokuti havariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo.
9
Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, upristi hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai, kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa.
10
Imi kare makanga musi vanhu; asi zvino muri vanhu vaMwari; makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino manzwirwa ngoni.
11
Vadikanwi, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya;
12
mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira kana vachiona mabasa enyu akanaka.
13
Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaIshe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru;
14
kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, uye varumbidze vanoita zvakanaka.
15
Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi;
16
savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari.
17
Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo.
18
Varanda, teererai vatenzi venyu nokutya kwose, musingazviiti kuna vakanaka navanyoro bedzi, asi kuna vasakaruramawo.
19
Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira mukutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari, achitamubudzika asina mhosva.
20
Nokuti kune rumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarohwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kuna Mwari.
21
Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake;
22
iye asina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuonekwa mumuromo make;
23
iye akati achitukwa, haana kutukazve; akati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi akaisa mhaka yake kuna iye anotonga zvakarurama;
24
iye akatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake.
25
Nokuti makanga makatsauka samakwai; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5