bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Peter 4
1 Peter 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Naizvozvo, Kristu zvaakatambudzika panyama, nemiwo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu akatambudzika panyama arega zvivi;
2
kuti panguva yakasara panyama arege kurarama nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari.
3
Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba noutere, nokuchiva, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira;
4
vanoshamiswa nechinhu ichi, kuti hamufambidzani navo pakusazvidzora kwavo uku kwakawanda, vachikureverai zvakaipa.
5
Ivo vachazvidavirira kuna iye akazvigadzira kutonga vapenyu navakafa.
6
Nokuti nokuda kwaizvozvi Vhangeri yakaparidzirwa vakafa, kuti vatongwe havo panyama nomutowo wavanhu, asi vararame nomutowo waMwari pamweya.
7
Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo; naizvozvo ivai vakachenjera, musvinure kuti munyengetere.
8
Zvikuru kune zvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.
9
Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti.
10
Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.
11
Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira, ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye ano kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
12
Vadikanwi, musashamiswa nokunyanyisa kwokuedzwa pakati penyu, kwakauya kukuedzai, muchiti mawirwa nechisingazikanwi;
13
asi farai zvamunogovana naKristu mukutambudzika kwake, kuti pakuonekwa kwokubwinya kwake mufarewo nomufaro mukuru.
14
Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu;
15
nokuti kurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika nemhaka yokuti muurayi, kana mbavha, kana anoita zvakaipa, kana asingaregi zvavamwe;
16
asi kana munhu achitambudzika nokuda kwokuti mukristu, ngaarege kunyadziswa; asi ngaakudze Mwari nezita iri.
17
Nokuti nguva yasvika yokuti kutonga kutange muimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwavasingateereri Vhangeri yaMwari kuchagoveiko?
18
Uye kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe, ko uyo, asingadi Mwari, nomutadzi, vachagoonekwepi?
19
Naizvozvo naivo, vanotambudzika nokuda kwaMwari, ngavaise mweya yavo kuMusiki akatendeka vachiita zvakanaka.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5