bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Peter 3
1 Peter 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Saizvozvo, imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambiro wavakadzi vavo pasina shoko rinorehwa,
2
kana vachiona mufambiro wenyu, wakachena pamwechete nokutya Mwari.
3
Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguo;
4
asi ngakuve munhu akavanzikawo mwoyo, akashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.
5
Nokuti saizvozvowo kare vakadzi vatsvene, vaitarira kuna Mwari, vakazvishongedza, vachizviisa pasi pavarume vavo,
6
saSara waiteerera Abhurahamu, achimuti, “Ishe,” mava vana vake zvino, kana muchiita zvakanaka, musingatyiswi nechinhu chipi nechipi chinovhundusa.
7
Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwechete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.
8
Pakupedzisira, muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise;
9
musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
10
Nokuti, “Uyo, anoda upenyu, Nokuona mazuva akanaka, Ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, Nemiromo yake, kuti irege kutaura zvinonyengera.
11
Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; Ngaatsvake rugare, arutevere.
12
Nokuti meso aIshe ari pamusoro pavakarurama, Nenzeve dzake pakukumbira kwavo. Asi chiso chaIshe chiri pamusoro pavanoita zvakaipa.”
13
Ndianiko achakuitirai zvakaipa, kana muchishingairira zvakanaka?
14
Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa.
15
Asi itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe anokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya;
16
ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambiro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe.
17
Nokuti zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka, pakuti kana muchiita zvakaipa.
18
Nokuti naKristu akatambudzikawo kamwechete pamusoro pezvivi, iye akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; akaurawa hake panyama, asi akararamiswa mumweya;
19
mauri akandoparidzirawo mweya iri mukusungwa,
20
yakanga isina kuteerera kare, panguva iya mwoyo murefu waMwari uchimirira kugadzirwa kweareka pamazuva aNoa; mukati mayo vashoma, ivo vanhu vasere, vakaponeswa nemvura.
21
Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokumuka kwaJesu Kristu;
22
iye ari kurudyi rwaMwari; akapinda kudenga, vatumwa namadzishe namasimba zvikaiswa pasi pake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5