bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Colossians 1
Colossians 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti, hama yedu,
2
kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu vari paKorose: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kuna Mwari; baba vedu.
3
Tinovonga Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nguva dzose kana tichikunyengetererai,
4
zvatakanzwa zvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu, norudo rwamunarwo kuvatsvene vose,
5
pamusoro petariro yamakachengeterwa kudenga, yamakanzwa kare pashoko rechokwadi reVhangeri;
6
iyo yakasvika kwamuri, sezvayakasvika panyika yosewo; ichibereka zvibereko, ichikura, sezvainoita kwamuriwo, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva kwazvo nyasha dzaMwari muchokwadi;
7
sezvamakadzidza kuna Epafirasi, muranda pamwechete nesu, anodikanwa, mushumiri akatendeka waKristu nokuda kwenyu,
8
iye akatiudzawo zvorudo rwenyu muMweya.
9
Saka nesuo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya;
10
kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo;
11
muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomwoyo murefu, nomufaro;
12
muvonge baba, vakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yavatsvene muchiedza;
13
vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muushe hwoMwanakomana worudo rwavo;
14
watine dzikinuro maari, ndiko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.
15
Ndiye mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose;
16
nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zvoushe, kana ushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake.
17
Ndiye anotangira zvose, zvose zvakabatana maari.
18
Ndiye musoro womuviri, ndiyo sangano; ndiye wokutanga, dangwe ravakamuka kuvakafa; kuti iye ave mukuru pazvinhu zvose.
19
Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kwose kugare maari,
20
kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa rake rakaparadzirwa romuchinjikwa naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga.
21
Nemiwo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa,
22
asi zvino wakakuyananisai nomuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, musina mhosva, musingapomerwi,
23
kana muchingorambira pakutenda makateyiwa, mumire makasimba, musingabviswi patariro yeVhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga; iyo Vhangeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro.
24
Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamadambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iro sangano;
25
iro randakaitwa mushumiri waro sezvandakagoverwa naMwari pamusoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMwari;
26
ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake;
27
kuna ivo Mwari waakada kuvazivisa upfumi hwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya;
28
iye watinoparidza isu, tichirayira munhu mumwe nomumwe, tichidzidzisa munhu mumwe nomumwe nouchenjeri hwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana muna Kristu;
29
ndizvo zvandinobatirawo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4