bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Colossians 4
Colossians 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Madzishe, itirai varanda venyu zvakarurama, zvakaringana; muzive kuti nemiwo muna Ishe kudenga.
2
Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuvonga;
3
mutinyengeterere nesuo kamwe, kuti Mwari atizarurire musuo weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho;
4
kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.
5
Fambai nokuchenjera kuna vari kunze, muchingwarira nguva yenyu.
6
Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.
7
Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikanwa, mushumiri akatendeka, nomuranda pamwechete neni muna Ishe.
8
Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze mwoyo yenyu;
9
pamwechete naOnesimo, hama yakatendeka, inodikanwa, mumwe wokwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zvapano.
10
Arisitakusi, musungwa pamwechete neni, anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi, mumugamuchire;
11
naJesu, anonzi Jusuto, vari vokudzingiswa; ndivava bedzi vanobata neni paushe hwaMwari, ivo vakandinyaradza.
12
Epafirasi; mumwe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, anokukwazisai, achirwa nguva dzose pakunyengetera nokuda kwenyu, kuti mumire makakwana, muchiziva kwazvo kuda kwose kwaMwari.
13
Nokuti ndinomupupurira, kuti anotambudzika zvikuru nokuda kwenyu, naveRaodhikia, naveHerapori.
14
Ruka, n'anga inodikanwa, naDhemasi, vanokukwazisai.
15
Ndikwazisirei hama dziri Raodhikia, naNimifa, nesangano riri mumba mavo.
16
Kana tsamba iyi yarawa pakati penyu, ngairawewo musangano ravaRaodhikia; imiwo murave tsamba inobva Raodhikia.
17
Udzai Arikipo muti, “Tarira basa rawakapiwa naIshe, kuti uripedzise kwazvo.”
18
Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu. Rangarirai kusungwa kwangu. Nyasha ngadzive nemi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4