bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Colossians 3
Colossians 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Naizvozvo, kana makamutswa pamwechete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kuna Kristu, agere kurudyi rwaMwari.
2
Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi.
3
Nokuti makafa, upenyu hwenyu hwakavigwa pamwechete naKristu muna Mwari.
4
Kana Kristu, iye upenyu hwedu, achionekwa, nemiwo muchaonekwa pamwechete naye pakubwinya.
5
Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.
6
Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavana vokusateerera;
7
nemiwo maifamba mazviri kare, maigara muzvinhu izvi.
8
Asi zvino, imiwo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu.
9
Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare namabasa ake,
10
mukafuka munhu mutsva, anovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika;
11
apo hapana muGiriki nomuJudha, akadzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa nomuSitia, musungwa nowakasununguka; asi Kristu ndiye zvose uye uri muna vose.
12
Naizvozvo, savatsanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu;
13
muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.
14
Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.
15
Norugare rwaKristu ngaruteme zvirevo mumwoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; ivai nokuvonga.
16
Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kwose mudzidzisane, nokurayirana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumwoyo menyu;
17
uye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raIshe Jesu, muchivonga Mwari baba naye.
18
Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna Ishe.
19
Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo.
20
Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka muna Ishe.
21
Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.
22
Varanda, teererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata basa pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomwoyo wakarurama muchitya Ishe.
23
Zvose zvamunoita, muzviite nomwoyo wose, sokuna Ishe, musingaitiri vanhu;
24
muchiziva kuti muchapiwa naIshe mubayiro wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.
25
Nokuti anoita zvisakarurama, achapiwa zvisakarurama zvaakaita; hazvizi zvinoonekwa zvomunhu zvinotendwa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4