bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Colossians 2
Colossians 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodhikia, navose vasina kumboona chiso changu panyama;
2
kuti mwoyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nepfuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu;
3
maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwa.
4
Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu anokurashai namashoko anonyengera.
5
Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichiona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu muna Kristu.
6
Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari,
7
mune midzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga.
8
Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.
9
Nokuti kuzara kwohuMwari kunogara maari pamuviri.
10
Maari nemiwo makazadzwa, iye musoro wavabati vose namasimba;
11
iye wamakadzingiswawo maari nokudzingiswa kusingaitwi namaoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu;
12
makavigwa pamwechete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswawo pamwechete naye nokutenda kwenyu simba raMwari akamumutsa kuvakafa.
13
Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai upenyu pamwechete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose,
14
akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa;
15
akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.
16
Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo anokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana paSabata;
17
izvi mumvuri wezvichauya; asi muviri ndowaKristu.
18
Munhu ngaarege kuvapo anokutorerai mubayiro wenyu namawune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakaona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,
19
asingabatisisi Musoro, uyo, maari muviri wose unosimbiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari.
20
Zvino kana makafa pamwechete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirayiro, somugere munyika,
21
mirayiro inoti, “Usabata,” “Usaravira,” “Usagunzva,”
22
izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo; muchitevera mirayiro nedzidziso dzavanhu?
23
Zvinhu zvakadai zvakaita sezvino uchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvina simba rokukunda kuchiva kwenyama.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4