bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Hebrews 10
Hebrews 10
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
1
Nokuti murayiro zvauno mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kukwanisa avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira Mwari.
2
Dai zvakanga zvakadaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? Nokuti vanonamata, kana vakanga vanatswa kamwechete, vangadai vasina kuzoyeudzwa zvivi zvavo.
3
Asi nezvibayiro izvozvi vanoyeudzirwa zvivi gore rimwe nerimwe.
4
Nokuti ropa renzombe nerembudzi haritongogoni kubvisa zvivi.
5
Saka pakusvika kwake panyika, anoti, “Chibayiro nechipo makazviramba, asi makandigadzirira muviri,
6
hamuna kuda zvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi;
7
Zvino ndikati, ‘Tarirai, ndauya, (Mubhuku yakapetwa makanyorwa nezvangu) Kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
8
Zvaanoti pakutanga, “Zvibayiro nezvipo, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi hamuna kuzvida; hamuna kufadzwa nazvo,” (zviri izvo zvinobayirwa Mwari sezvinoreva murayiro),
9
ndokuzoti, “Tarirai, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Anobvisa chokutanga, kuti aise chechipiri.
10
Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwechete.
11
Mupristi mumwe nomumwe anomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvimwe, zvisingagoni kubvisa zvivi;
12
asi iye akati abayira chibayiro chimwechete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari;
13
kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.
14
Nokuti nechibayiro chimwechete akakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
15
NoMweya Mutsvene anotipupurirawo; nokuti akatanga, achiti,
16
“Iyi ndiyo sungano yandichaita navo Shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirayiro yangu pamwoyo yavo, Nokuinyora pakufunga kwavo.” Ndokuzoti,
17
“Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri.”
18
Zvino, kana zvinhu izvi zvakaregererwa, zvivi hazvichabayirwi.
19
Naizvozvo, hama dzangu, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,
20
nenzira itsva mhenyu, yaakativambira iye nokupinda kwake pachidzitiro chetemberi, ndiyo nyama yake;
21
uye zvatino mupristi mukuru pamhuri yaMwari,
22
ngatiswedere nomwoyo wachokwadi, nokutenda kwakasimba, mwoyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka.
23
Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, akapikira, akatendeka;
24
ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka,
25
tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirayirane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.
26
Nokuti kana tichitadza tichida kana tambogamuchira nezivo zvechokwadi, hakuna chine chibayiro pamusoro pezvivi,
27
asi kungomirira tichitya kutongeswa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi.
28
Munhu, akaramba murayiro waMosesi, anofa asinganzwirwi tsitsi, kana pane zvapupu zviviri kana zvitatu;
29
hamufungi here kuti munhu, akatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harina maturo zvaro, akazvidza Mweya wenyasha, kuti iye haanganzi akafanirwa nokurohwa kunopfuura uku kwazvo here?
30
Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira.” Uyezve, “Ishe achatonga mhosva dzavanhu vake.”
31
Zvinotyisa kuwira pamaoko aMwari mupenyu.
32
Asi rangarirai mazuva okutanga, amakati mavhenekerwa, mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko;
33
pamwe nokuti makaitwa chinhu chinotarirwa nokuzvidzwa nokutambudzwa; pamwe nokuti makagovana naivo vakaitirwa izvozvo.
34
Nokuti makanzwira tsitsi avo vakasungwa, mukatendawo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imi mumene mune pfuma yakapfuura nokunaka, inogara.
35
Naizvozvo regai kurasha kusatya kwenyu kuno mubayiro mukuru.
36
Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.
37
“Nokuti kanguva kaduku-duku kachiko, Iye anouya, achauya, asinganonoki.
38
Asi wakarurama wangu achaponeswa nokutenda; Zvino kana akadzokera shure, mwoyo wangu haungafari naye.”
39
Zvino isu hatizi ivo vokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri vokutenda kuti tiponeswe mweya.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13