bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Hebrews 12
Hebrews 12
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Naizvozvo, nesuo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa,
2
tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro akaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.
3
Nokuti cherekedzai uyo akatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumweya yenyu.
4
Muchigere kudzivirira kusvikira ropa richibuda pakurwa kwenyu nezvivi.
5
Uye makakanganwa kwazvo kurayira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti, “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, Usapera mwoyo kana uchirayirwa naye;
6
Nokuti waanoda Ishe anomuranga, Anorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.”
7
Tsungai henyu mwoyo kuti murangwe; Mwari anobata imi savanakomana; nokuti ndoupi mwanakomana asingarangwi nababa?
8
Asi kana musingarangwi, sezvinoitirwa vose, muri vana voupombwe, hamuzi vanakomana chaivo.
9
Uyezve isu taiva namadzibaba edu enyama, vaitiranga, tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya, kuti tirarame here?
10
Nokuti ivo, zvirokwazvo, vakatiranga mazuva mashoma, sezvavaifunga, asi iye anotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwa utsvene hwake.
11
Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.
12
Saka simbisaizve maoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba;
13
gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe.
14
Tsvakai rugare navanhu vose, noutsvene, nokuti kunze kwahwo hakuna munhu achaona Ishe;
15
muchenjere kuti kurege kuva nomunhu anodzokera shure panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo;
16
kurege kuvapo nemhombwe, kana noasina hanya naMwari, saEsau akatengesa udangwe hwake nokudya kamwechete.
17
Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, akarambwa; nokuti haana kuwana nguva yokutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi.
18
Nokuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa namaoko, rinopfuta, uye kurima, nokusviba, nokudutu guru,
19
nokukurira kwehwamanda, nokuzwi ramashoko; ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzovataurirwa;
20
nokuti vakakoniwa kutevera chakanga charayirwa, chokuti, “Kunyange nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa namabwe;”
21
icho chakaonekwa chatyisa kudai, kuti naMosesi akati, “Ndinotya kwazvo, ndinodedera;”
22
asi imi makaswedera kugomo reZioni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusaremu riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi,
23
nokuungano huru, nokukereke yamatangwe akanyorwa kudenga, nokuna Mwari, mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa,
24
nokuna Jesu, Murevereri wesungano itsva, nokuropa rakasaswa, rinotaura zvakanaka kupfuura Abheri.
25
Chenjerai kuti murege kuramba anotaura; nokuti kana avo vakamuramba nguva yaakavarayira panyika, vasina kupukunyuka, zvikuru isu kana tikafuratira iye wokudenga;
26
izwi rake rakazunungusa nyika nenguva iyo; asi zvino akapikira, achiti, “Ndichabvundisazve kamwechete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo.”
27
Zvino shoko iri rokuti, “Kamwechete,” rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare.
28
Saka, zvatinopiwa ushe husingazununguki, ngative nokuvonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya.
29
Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13