bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Hebrews 6
Hebrews 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
1
Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuurire mberi pakukwaniswa, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka pamabasa akafa, nedzokutenda kuna Mwari,
2
nedzedzidziso yokubhabhatidza, nedzokuisa maoko, nedzokumuka kwavakafa, nedzokutongwa kusingaperi.
3
Ndizvo zvatichaita, kana Mwari achitendera.
4
Nokuti kana vari ivo, vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,
5
vakaravira shoko rakanaka raMwari, namasimba enyika inouya,
6
kana vakazotsauka, hazvibviri kuvavandudzazve kuti vatendeuke, nokuti vanozvirovererazve Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena.
7
Nokuti nyika iyo, inoti kana yanwa mvura inosinaya pamusoro payo kazhinji, ikabereka miriwo yakafanirawo avo vainorimirwa, ndiyo inoropafadzwa naMwari;
8
asi kana ikabereka minzwa norukato, inorakashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.
9
Asi vadikanwi, kunyange tichitaura kudai, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zvinopfuura nokunaka, zvinoisa kukuponeswa.
10
Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, angakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.
11
Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma.
12
Kuti murege kuva nousimbe, asi muve vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira.
13
Nokuti Mwari pakupikira Abhurahamu, akapika naiye amene, nokuti akanga asina mukuru kwaari waangapika naye,
14
akati, “Zvirokwazvo nokuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.”
15
Nokudaro, akati atsungirira, akawana chipikirwa.
16
Nokuti vanhu vanopika nomukuru kwavari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakava rose pakati pavo.
17
Saizvozvo Mwari akati achida zvikuru kuratidza vadyi venhaka yechipikirwa, kuti chirevo chake hachishandurwi, akapinda pakati nokupika;
18
kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi, (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tiibate;
19
yatinayo sechibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba, inopinda kunezviri mukati mechidziro chetemberi;
20
pakapinda mutungamiriri nokuda kwedu, iye Jesu akaitwa mupristi mukuru nokusingaperi, anorudzi naMerekizedheki.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13