bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Hebrews 8
Hebrews 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Zvino, shoko guru panaizvozvo zvatataura, ndiro kuti: Tino mupristi mukuru akadai akagara kurudyi rwechigaro choushe choUmambo kudenga;
2
iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhenakeri chaiyo, yakamiswa naIshe, isina kumiswa nomunhu.
3
Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe akagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibayiro; naizvozvo naiye aifanira kuti ave nechaangabayirawo;
4
nokuti dai aiva panyika, angadai asina kuva mupristi, nokuti vapristi varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorehwa nomurayiro;
5
ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarayirwa iye Mosesi oda kuita tabhenakeri; nokuti akati, “Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.”
6
Asi zvino akapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuura nokunaka.
7
Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo.
8
Nokuti anovapa mhosva, achiti, “Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Ishe, Andichaita nawo sungano itsva neimba yaIsiraeri, uye neimba yaJudha;
9
Isina kuita sesungano yandakaita namadzibaba avo, Pazuva randakabata ruoko rwavo, kuti ndivabudise munyika yeIjipiti; Nokuti havana kurambira musungano yangu, Neni ndakasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe.
10
Nokuti ndiyo sungano yandichaita nemhuri yaIsiraeri Kana mazuva iwayo apfuura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirayiro yangu pakufunga kwavo, Napamwoyo yavo ndichainyora, Ndichava Mwari wavo, Ivo vachava vanhu vangu;
11
Mumwe nomumwe haangazodzidzisi wokwake, Kana mumwe nomumwe hama yake, ichiti, ‘Ziva Ishe;’ Nokuti vose vachandiziva, Kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.
12
Nokuti ndichava nengoni nokusarurama kwavo, Nezvivi zvavo handichazozvirangariri.”
13
Zvaanoti: Sungano itsva, akasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13