bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Leviticus 13
Leviticus 13
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 14 →
1
Zvino Jehovha wakataura naMosesi naAroni akati,
2
“Kana munhu anapakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni mupristi, kana kuno mumwe wavanakomana vake vapristi;
3
mupristi zvino anofanira kucherekedza hosha iri paganda romuviri wake; kana mvere dziri pane hosha dzakashanduka dzikava chena, hosha ikaonekwa kuti yakapinda kwazvo mukati meganda romuviri wake, ihosha yamaperembudzi; mupristi ngaamucherekedze, agoreva kuti haana kunaka.
4
Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, mupristi anofanira kupfigira munhu uyo une hosha mazuva manomwe;
5
nomusi wechinomwe mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupristi anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;
6
zvino mupristi anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupristi uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguo dzake agova wakanaka.
7
Asi kana pakafunuka pachiramba pachinyenga paganda, ambozviratidza kumupristi kuti anzi wakanaka, ipapo anofanira kuzviratidzazve kumupristi;
8
zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ipapo mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.
9
“Kana hosha yamaperembudzi iri pamunhu, anofanira kuiswa kumupristi;
10
zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti panapakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,
11
ndiwo maperembudzi anguva avapo paganda romuviri wake, zvino mupristi ngaarege kumupfigira, nokuti haana kunaka, ngaareve kuti haana kunaka.
12
Kana maperembudzi akabuda pose-pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu une hosha, kubva pamusoro wake kusvikira kutsoka dzake, pose panoonekwa nomupristi;
13
zvino mupristi anofanira kutarira; kana akaona kuti maperembudzi akazadza muviri wake wose, anofanira kureva kuti munhu une hosha wakanaka, zvose zvashanduka zvachena, wakanaka hake.
14
Asi kana nyama yakatsvuka ikaonekwa kwaari, uchava usina kunaka.
15
Kana mupristi akaona nyama yakatsvuka, anofanira kureva kuti haana kunaka; nyama yakatsvuka haina kunaka, maperembudzi.
16
Kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikaita chena, anofanira kuuya kumupristi.
17
Ipapo mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yashanduka, ikaita chena, mupristi anofanira kureva kuti une hosha yakanaka, wakanaka hake.
18
“Zvino kana nyama ine mota paganda, pakapora,
19
panzvimbo yemota pakauya pakazvimba pakachena, kana chivara chakaita sechitsvuku, zvinofanira kuratidzwa mupristi;
20
zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi yabuda napamota.
21
Asi kana mupristi akapacherekedza, akaona kuti hakuna mvere chena ipapo, pasina kudzika pasi peganda, asi pava nani; mupristi anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
22
Kana pakanyenga pose paganda, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha.
23
Asi kana chivara chikarambira panzvimbo yacho, chikasanyenga, ivanga haro remota; mupristi anofanira kuti wakanaka.
24
“Kana nyama yomunhu ina pakatsva paganda rake, nyama yakatsvuka yapo ikaita chivara chichena chakaita sechitsvuku kana chichena,
25
mupristi anofanira kupacherekedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
26
Asi kana mupristi akapacherekedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, mupristi anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
27
Zvino mupristi anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachinyenga paganda, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
28
Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasanyenga paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kwokutsva hako, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake, nokuti chivara chokutsva.
29
“Kana murume kana mukadzi ane hosha pamusoro kana pandebvu,
30
mupristi anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
31
Kana mupristi akacherekedza hosha yakafunuka, akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, mupristi anofanira kupfigira munhu une hosha yokufunuka mazuva manomwe.
32
Nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda,
33
anofanira kuveurwa, asi ngaarege kuveura pakafunuka; zvino mupristi anofanira kupfigira munhu unapakafunuka mamwe mazuva manomwezve;
34
nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherekedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kunyenga paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguo dzake, anake.
35
Asi kana pakafunuka pakanyenga pose paganda shure kwokunatswa kwake;
36
mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.
37
Asi kana iye akaona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzabudapo, pakafunuka papora hapo, wakanaka; mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake.
38
“Kana murume kana mukadzi vane zvivara paganda renyama yavo, zviri zvivara zvichena;
39
mupristi anofanira kuzvicherekedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.
40
“Kana vhudzi romunhu rakabva pamusoro wake, wava nemhazha; asi wakanaka hake.
41
Kana vhudzi rake rakabva pamusoro wake nechemberi, une mhazha pahuma, asi wakanaka hake.
42
Asi kana pamhazha, kana pamhazha yapahuma, pane hosha chena yakaita setsvuku, maperembudzi anobuda pamhazha, kana pamhazha yapahuma.
43
Zvino mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pehosha pachena pakaita sapatsvuku pamhazha yake, kana pamhazha yake yapahuma, pakafanana namaperembudzi paganda renyama,
44
munhu uyo una maperembudzi, haana kunaka; mupristi anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
45
Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kusunungurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, ‘Ndakaipa, ndakaipa!’
46
Mazuva ose aane hosha iyo, uchava usina kunaka; haana kunaka; ngaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuva kunze kwemisasa.
47
“Nguowo ine hosha yamaperembudzi, kana iri nguo yamakushe amakwai, kana iri nguo yomucheka;
48
kana iri yakarukwa, kana yakakoswa; kana yamucheka, kana yamakushe amakwai; kana yedehwe, kana chinhu chakaitwa nedehwe;
49
kana hosha yakaita senhema, kana tsvuku panguo, kana padehwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoswa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa mupristi;
50
zvino mupristi anofanira kucherekedza hosha iyo, agopfigira chinhu chine hosha mazuva manomwe;
51
zvino anofanira kucherekedza hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakanyenga panguo, kana iri yakarukwa, kana yakakoswa, kana yedehwe, rine basa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwazvo; haina kunaka.
52
Zvino anofanira kupisa nguo, kana iri yakarukwa, kana yakakoswa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedehwe, ine hosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwazvo; inofanira kupiswa nomoto.
53
“Kana mupristi akatarira, akaona kuti hosha haina kunyenga panguo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe;
54
mupristi anofanira kuraira kuti vasuke chinhu chine hosha, zvino achipfigire mamwe mazuva manomwezve;
55
mupristi agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.
56
Kana mupristi akacherekedza, akaona kuti hosha yava nani pakusukwa kwayo, anofanira kubvarura nguo kupabvisapo, kana padehwe, kana pakarukwa, kana pakakoswa;
57
asi kana ikaramba ichionekwa panguo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe, ihosha inobuda; anofanira kupisa chinhu icho chine hosha nomoto;
58
asi nguo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoswa, kana chiri chinhu chipi nechipi chedehwe, kana hosha ikabva kwachiri, chinofanira kusukwa rwechipiri, chigova chakanaka.
59
“Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka.”
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27