bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Leviticus 17
Leviticus 17
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 18 →
1
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati,
2
“Taura naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, ‘Ndiro shoko rakarairwa naJehovha:
3
Munhu upi noupi kuna veimba yaIsiraeri unouraya nzombe, kana gwayana, kana mbudzi, mukati memisasa, kana unozviuraya kunze kwemisasa,
4
asina kuzviisa pamukova wetende rokusangana, kuzviisa pamberi petabhenakeri yaJehovha kuti chive chipo kuna Jehovha, munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake;
5
kuti vana vaIsiraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumupristi, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisira.’
6
Zvino mupristi ngaasase ropa razvo paatari yaJehovha, pamukova wetende rokusangana; apisewo mafuta, kuti zvinhuwire zvakanaka pamberi paJehovha.
7
Havafaniri kuzobayira nhongo zvibayiro zvavo, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murayiro usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose.
8
“Iwe unofanira kuti kwavari, ‘Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unopisira chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro,
9
asingauyi nacho kumukova wetende rokusangana, kuti achibayire Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.’
10
“Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unodya ropa ripi neripi, ndichatonga munhu uyo unodya ropa, ndimubvise pakati porudzi rwake.
11
Nokuti upenyu hwenyama huri muropa; ndakakupai iro paatari, kuti riyananisire mweya yenyu; nokuti iropa rinoyananisira nokuda kwoupenyu hurimo.
12
Naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, ‘Kurege kuva nomumwe wenyu uchadya ropa, kana mutorwa upi noupi ugere pakati penyu, ngaarege kudya ropa.’
13
“Munhu upi noupi kuvana vaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva.
14
Nokuti kana huri upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, ‘Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa.’
15
“Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurawa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko; ipapo uchazova wakanaka.
16
Asi kana asingadzisuki, kana kushambidza muviri wake, uchafanira kuva nemhosva yake.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27