bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Leviticus 8
Leviticus 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 9 →
1
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati,
2
“Tora Aroni, navanakomana vake, nenguo, namafuta okuzodza nawo, nenzombe yechipiriso chezvivi, namakondohwe maviri nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa;
3
uunganidze ungano yose pamukova wetende rokusangana.”
4
Mosesi akaita sezvaakarairwa naJehovha, ungano ikaunganidzwa pamukova wetende rokusangana.
5
Zvino Mosesi akati kuungano, “Ndizvo zvakarairwa naJehovha kuti zviitwe.”
6
Mosesi akauya naAroni navanakomana vake, akavashambidza nemvura,
7
akamufukidza jasi, ndokumusunga chiuno nebhanhire, akamufukidza nguo, akamuisa efodhi, nokumusunga chiuno nebhande reefodhi rakarukwa nouchenjeri, ndokurisungira kwaari naro.
8
Akamuisa hombodo yechipfuva, ndokuisa Urimi neTumimi muhombodo yechipfuva.
9
Akaisawo ngowani pamusoro wake; pangowani nechemberi akaisa hwendefa rendarama, ndiyo korona tsvene; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
10
Zvino Mosesi akatora mafuta okuzodza nawo, akazodza tabhenakeri, nezvose zvakanga zvirimo, akazvitsaura.
11
Akasasa mamwe kanomwe paatari, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo, kuti azvitsaure.
12
Akadirawo mamwe mafuta okuzodza nawo pamusoro waAroni, akamuzodza kuti amutsaure.
13
Ipapo Mosesi akauya navanakomana vaAroni, akavafukidza majasi, akavasunga zviuno namabhanhire, akavaisa ngowani, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
14
Akauya nenzombe yechipiriso chezvivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wenzombe yechipiriso chezvivi;
15
akaibaya; Mosesi ndokutora ropa, ndokuriisa panyanga dzeatari kunhivi dzose nomunwe wake, akanatsa atari, ndokudururira ropa mujinga meatari, akaitsaura, kuti aiyananisire.
16
Akatora mafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, Mosesi akazvipisa paatari.
17
Asi nzombe nedehwe rayo, nenyama yayo, namazvizvi ayo, wakazvipisa nomoto kunze kwemisasa, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
18
Akauya negondohwe rechipiriso chinopiswa; Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe.
19
Akariuraya; Mosesi akasasa ropa pamusoro peatari kunhivi dzose.
20
Akagura-gura gondohwe, Mosesi akapisa musoro nenhindi namafuta.
21
Akasuka ura namakumbo nemvura, Mosesi akapisa gondohwe rose paatari, chikava chipiriso chinopiswa chainhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
22
Zvino akauyawo nerimwe gondohwe, gondohwe rokugadza naro, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe.
23
Akaribaya, Mosesi akatora rimwe ropa raro, akariisa pamucheto wezasi wenzeve yaAroni yorudyi, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi.
24
Akauyisa vanakomana vaAroni, Mosesi akaisa rimwe ropa pamicheto yezasi yenzeve dzavo dzorudyi, napamagunwe amaoko avo orudyi, napamagunwe etsoka dzavo dzorudyi; Mosesi akasasa ropa pamusoro peatari kunhivi dzose.
25
Akatora mafuta nebhemhe, namafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, nebandauko rorudyi;
26
akatora mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zvaiva pamberi paJehovha, chingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa, nechingwa chimwe chiduku chezvingwa zvakazodzwa mafuta, nechingwa chitete chimwe, akazviisa pamusoro pamafuta, napamusoro pebandauko rorudyi;
27
akaisa zvose pamaoko aAroni, napamaoko avanakomana vake, akazvizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa.
28
Ipapo Mosesi akazvitora zvose pamaoko ake, akazvipisa paatari pamusoro pechipiriso chinopiswa; zvikava zvokugadza nazvo, zvikanhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.
29
Zvino Mosesi akatora chityu akachizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa; ndiwo waiva mugove waMosesi pagondohwe rokugadza naro; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
30
Ipapo Mosesi akatora mamwe mafuta okuzodza nawo, nerimwe ropa rakanga riri paatari, akarisasa pamusoro paAroni napamusoro penguo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napamusoro penguo dzavanakomana vake pamwechete naye; akatsaura Aroni nenguo dzake, navanakomana vake, nenguo dzavanakomana vake pamwechete naye.
31
Mosesi akati kuna Aroni navanakomana vake, “Bikai nyama pamukova wetende rokusangana, muidyirepo nechingwa chiri mudengu rokugadza naro, sezvandakaraira ndichiti, Aroni navanakomana vake vanofanira kuzvidya.’
32
Asi zvakasara zvenyama nechingwa munofanira kuzvipisa nomoto.
33
Musabuda pamukova wetende rokusangana mazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadza kwenyu apera; nokuti iye uchakugadzai mazuva manomwe.
34
Sezvakaitwa zuva ranhasi, Jehovha wakaraira kuti zviitwe saizvozvo, kuti muyananisirwe.
35
Garai pamukova wetende rokusangana masikati nousiku mazuva manomwe, muchengete zvamakarairwa naJehovha, kuti urege kufa; nokuti ndizvo zvandakarairwa.”
36
Zvino Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMosesi.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27