bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Leviticus 4
Leviticus 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 5 →
1
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati,
2
“Taura navana vaIsiraeri, uti, ‘Kana munhu akatadza nokusaziva pachinhu chimwe chezvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akaita chimwe chazvo;
3
kana mupristi wakazodzwa akatadza, akapinza vanhu pamhosva, anofanira kuvigira Jehovha nzombe duku isina mhosva, nokuda kwezvivi zvake zvaakatadza, kuti chive chipiriso chezvivi.’
4
Ngaauye nenzombe duku pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, aise ruoko rwake pamusoro wenzombe, ndokuuraya nzombe pamberi paJehovha.
5
Zvino mupristi wakazodzwa ngaatore rimwe ropa renzombe, ariise patende rokusangana,
6
mupristi agonyika munwe wake muropa, ndokusasa rimwe ropa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro chenzvimbo tsvene.
7
Zvino mupristi aise rimwe ropa pamberi paJehovha panyanga dzeatari yezvinonhuwira zvakanaka, iri mutende rokusangana, agodurura rimwe ropa rose renzombe mujinga meatari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana.
8
Zvino ngaabvise mafuta ose enzombe yechipiriso chezvivi, mafuta anofukidza hura, namafuta ose ari pamusoro pohura,
9
netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiwuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo,
10
sezvaanobviswa panzombe yechipiriso chokuyananisa nacho; zvino mupristi ngaazvipise pamusoro peatari yezvipiriso zvinopiswa.
11
Dehwe renzombe, nenyama yayo yose, pamwechete nomusoro wayo namakumbo ayo, nohura hwayo, namazizi ayo;
12
nzombe yose iyo unofanira kuitakurira kunze kwemisasa, pakanaka, panorasirwa madota, ndokuipisira pamusoro pehuni nomoto; ngaipisirwe panorasirwa madota.
13
“Kana ungano yose yaIsiraeri ikatadza, chinhu icho chikasazikanwa neungano, kana vakaita chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, vakapara mhaka;
14
kana chivi chavakatadza chikazozikanwa, zvino ungano ngaiuye nenzombe duku, chive chipiriso chezvivi, iwuyiswe pamberi petende rokusangana.
15
Zvino vakuru veungano ngavaise maoko avo pamusoro wenzombe pamberi paJehovha, nzombe igourawa pamberi paJehovha.
16
Zvino mupristi wakazodzwa ngaauye nerimwe ropa renzombe patende rokusangana,
17
mupristi anyike munwe wake muropa, arisase kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro.
18
Zvino ngaaise rimwe ropa panyanga dzeatari iri pamberi paJehovha, iri mutende rokusangana; rimwe ropa rose agoridururira mujinga meatari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana.
19
Zvino ngaabvise mafuta ose aripo, aapise pamusoro peatari.
20
Ndizvo zvaanofanira kuitira nzombe; sezvaakaitira nzombe yechipiriso chezvivi, ndizvo zvaanofanira kuitira iyi; mupristi anofanira kuvayananisira, vakanganwirwe.
21
Zvino unofanira kutakurira nzombe kunze kwemisasa, andoipisa, sezvaakapisa nzombe yokutanga; ndicho chipiriso chezvivi cheungano.
22
“Kana mukuru akatadza, akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvose zvakarairwa naJehovha Mwari wake kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka;
23
kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nenhongo yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake.
24
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wembudzi, aiuraye panourayirwa chipiriso chinopiswa pamberi paJehovha, chive chipiriso chezvivi.
25
Zvino mupristi ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomunwe wake, ariise panyanga dzeatari yechipiriso chinopiswa, nerimwe ropa rayo aridururire mujinga meatari yechipiriso chinopiswa.
26
Mafuta ayo ose ngaapiswe pamusoro peatari, sezvavakaita namafuta echipiriso chokuyananisa; mupristi amuyananisire pamusoro pezvivi zvake, akanganwirwe.
27
“Kana mumwe wavanhu zvavo akatadza akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka;
28
kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nesheshe yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza.
29
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, auraye chipiriso chezvivi panourayirwa chipiriso chinopiswa.
30
Zvino mupristi ngaatore rimwe ropa rayo nomunwe wake, ariise panyanga dzeatari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa rayo rose ngaaridururire mujinga meatari.
31
Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo, mupristi agoapisa pamusoro peatari, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; mupristi anofanira kumuyananisira, akanganwirwe.
32
“Kana akauya negwayana rokuita naro chipiriso chake chezvivi, ngaauye nesheshe isina mhosva.
33
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, agoriuraya panourayirwa chipiriso chinopiswa.
34
Zvino mupristi ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomunwe wake, ariise panyanga dzeatari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa raro rose ngaaridururire mujinga meatari;
35
zvino ngaabvise mafuta aro ose, sezvinobviswa mafuta egwayana pachibayiro chezvipiriso zvokuyananisa nazvo; mupristi aapise pamusoro peatari sezvinoitwa nezvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; mupristi anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, akanganwirwe.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27