bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Deuteronomy 16
Deuteronomy 16
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 17 →
1
Rangarira mwedzi waAbhibhi upemberere Pasika yaJehovha Mwari wako, nokuti mumwedzi waAbhibhi akakubudisa kubva muIjipiti usiku.
2
Bayira Jehovha Mwari wako chipfuwo kubva pamakwai ako kana kubva pamombe dzako sePasika panzvimbo iyo Jehovha achasarudza kuti Zita rake rigarepo.
3
Usaidya nechingwa chine mbiriso, asi kwamazuva manomwe unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, chingwa chokutambudzika, nokuti makabuda muIjipiti muchikurumidza—kuitira kuti murangarire nguva yamakabuda kubva muIjipiti.
4
Pamazuva manomwe aya ngapasawanikwa mbiriso panyika yenyu yose. Musarega nyama yamunobayira usiku hwezuva rokutanga ichisara kusvikira mangwanani.
5
Hamufaniri kubayira Pasika mune ripi zvaro ramaguta amunopiwa naJehovha Mwari wenyu,
6
kunze kwenzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo. Ipapo ndipo pamunofanira kubayira Pasika madekwana, kana zuva ravira, nezuva rokurangarira kwamakaita kubva muIjipiti.
7
Igochei mugoidyira panzvimbo yamuchasarudzirwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo. Zvino kana ava mangwanani mudzokere kumatende enyu.
8
Kwamazuva matanhatu mudye chingwa chisina mbiriso uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano kuna Jehovha Mwari wenyu uye murege kushanda.
9
Verengai mavhiki manomwe kubva panguva yamunotanga kucheka gorosi.
10
Ipapo upemberere Jehovha Mwari wako Mutambo waMavhiki nokupa chipo chokuda kwako maererano nokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako.
11
Uye ufare pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere pakati penyu.
12
Rangarirai kuti maiva varanda muIjipiti, uye muchenjerere kuchengeta mirayiro iyi.
13
Upemberere Mutambo waMatumba mazuva manomwe mushure mokunge wapedza kuunganidza zvawawana paburiro rako napachisviniro chako.
14
Ufare kwazvo paMutambo wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere mumaguta enyu.
15
Kwamazuva manomwe upemberere Mutambo kuna Jehovha Mwari wako panzvimbo ichasarudzwa naJehovha, nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza mukukohwa kwako kwose nomubasa rako rose ramaoko ako, uye mufaro wako uchazadziswa.
16
Katatu pagore varume vose pakati penyu vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo achasarudza: panguva yoMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, noMutambo waMavhiki uye noMutambo waMatumba. Hapana munhu anofanira kuuya asina chaakabata pamberi paJehovha:
17
Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuya nechipo chakaenzanirana nokuropafadzwa kwaakaitwa naJehovha Mwari wenyu.
18
Gadzai vatongi navakuru kurudzi rumwe norumwe rwenyu muguta rimwe nerimwe ramuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, uye vagotonga vanhu nokutonga kwakanaka.
19
Musatsauka pakururamisa kana kuita rusaruro. Musagamuchira fufuro, nokuti fufuro rinopofumadza meso owakachenjera uye rinominamisa mashoko avakarurama.
20
Teverai kururamisa uye kururamisisa chete, kuitira kuti mugorarama uye mugotora nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.
21
Musazvimisira matanda api zvawo aAshera parutivi pearitari yamunovakira Jehovha Mwari wenyu.
22
Uye musamisa dombo rinoera, nokuti izvi Jehovha Mwari wenyu anozvivenga.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34