bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Deuteronomy 33
Deuteronomy 33
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 34 →
1
Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa.
2
Akati: “Jehovha akabva kuSinai akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri; akapenya kubva paGomo reParani. Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi, kubva kumawere amakomo ake.
3
Zvirokwazvo ndimi makada vanhu; vatsvene vose vari muruoko rwenyu. Patsoka dzenyu vose vanopfugama, uye kubva kwamuri vanogamuchira kurayirwa,
4
murayiro watakapiwa naMozisi, nhaka yeungano yaJakobho.
5
Akanga ari mambo weJeshuruni vatungamiriri vavanhu pavakanga vakaungana, pamwe chete namarudzi aIsraeri.
6
“Rubheni ngaararame uye arege kufa, uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.”
7
Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha: “Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha; muuyisei kuvanhu vake. Namaoko ake acharwira mhaka yake. Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!”
8
Pamusoro paRevhi akati, “Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndezvomunhu wamunoda. Makamuedza paMasa; makarwa naye pamvura dzeMeribha.
9
Iye akati pamusoro pababa namai vake, ‘Handivakudzi.’ Haana kurangarira hama dzake kana kuziva vana vake, asi akava mutariri weshoko renyu akachengetedza sungano yenyu.
10
Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobho uye nemirayiro kuna Israeri. Achapa zvinonhuwira pamberi penyu nezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu.
11
Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha, mugofadzwa namabasa amaoko ake. Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira: rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.”
12
Pamusoro paBenjamini akati, “Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari, nokuti anomudzivirira zuva rose, uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.”
13
Pamusoro paJosefa akati, “Jehovha ngaaropafadze nyika yake nedova rinokosha rokudenga kumusoro nemvura zhinji dzakadzika dziri pasi;
14
nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuva uye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi;
15
nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayo uye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta.
16
Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa, pahuma yomuchinda pakati pehama dzake.
17
Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe; nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati. Nadzo achatunga ndudzi, kunyange vaya vari kumagumo enyika. Ava ndivo zviuru zvaManase.”
18
Pamusoro paZebhuruni, pakubata kwako, “Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako, newe Isakari mumatende ako.
19
Vachadanira vanhu kumakomo uye ikoko vagopa zvibayiro zvokururama; vachaguta nezvizhinji zvamakungwa, nepfuma yakavigwa mujecha.”
20
Pamusoro paGadhi akati, “Ngaaropafadzwe iye anokurisa nyika yaGadhi! Gadhi anogaramo seshumba, achibvambura ruoko kana musoro.
21
Akazvisarudzira nyika yakanakisisa; mugove womutungamiri waakachengeterwa iye. Vakuru vavanhu pavakaungana, iye akaita kuda kwaJehovha kwakarurama, uye nokutonga kwake pamusoro paIsraeri.”
22
Pamusoro paDhani akati, “Dhani mwana weshumba. anokwakuka achibva muBhashani.”
23
Pamusoro paNafutari akati, “Nafutari azere nenyasha dzaJehovha uye azere kuropafadza kwake: achatora nhaka nechezasi kugungwa.”
24
Pamusoro paAsheri akati, “Akaropafadzwa kupfuura vanakomana vose ndiAsheri: ngaadikanwe nehama dzake, uye ngaashambe tsoka dzake mumafuta.
25
Zvipfigiso zvemasuo ako zvichava zvesimbi nendarira, uye simba rako richafanana namazuva ako.
26
“Hapana akafanana naMwari waJeshuruni, iye anotasva denga kuti akubatsire uye namakore muumambo hwake.
27
Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’
28
Naizvozvo Israeri achagara murugare oga; tsime raJakobho rakachengetedzeka munyika yezviyo newaini itsva, ndiko kunodonhedzerwa dova nedenga.
29
Wakaropafadzwa, iwe Israeri! Ndiani akafanana newe, rudzi rwakaponeswa naJehovha? Ndiye nhoo nomubatsiri wako uye nomunondo wako unobwinya. Vavengi vako vachazviisa pasi pako, uye iwe uchatsikatsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.”
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34