bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Deuteronomy 18
Deuteronomy 18
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 19 →
1
Vaprista vanova vaRevhi, zvirokwazvo rudzi rwose rwaRevhi, havafaniri kuva nomugove kana nhaka pamwe chete neIsraeri. Vachararama nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha, nokuti ndiyo nhaka yavo.
2
Havazovi nenhaka pakati pehama dzavo: Jehovha ndiye nhaka yavo sezvaakavavimbisa.
3
Uyu ndiwo mugove wakafanira vaprista kubva kuvanhu vanobayira nzombe kana gwai: bandauko neshaya dzacho uye nezvemukati.
4
Munofanira kuvapa zvibereko zvokutanga zvezviyo, waini itsva namafuta, uye namakushe okutanga amakwai ako,
5
nokuti Jehovha Mwari wenyu akavasarudza ivo nezvizvarwa zvavo, kubva pakati pamarudzi ose kuti vamire vachishumira muzita raJehovha nguva dzose.
6
Kana muRevhi akabva mune rimwe ramaguta enyu, kupi zvako muIsraeri kwaanenge achigara, uye akauya nomwoyo wake wose kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha,
7
anogona hake kushumira muzita raJehovha Mwari wake savamwe vake vose vaRevhi vanoshumira ipapo pamberi paJehovha.
8
Anofanira kuwana mugove wakaenzana newavo, kunyange zvake akawana mari paakatengesa nhaka yemhuri yake.
9
Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, musadzidzira kutevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzirimo.
10
Ngapasava nomumwe pakati penyu anoita mwanakomana wake kana mwanasikana wake chibayiro chinopiswa, kana anovuka kana anoita zvamazango kana anotenda zvamashura, kana kuita zvouroyi,
11
kana anoita zvoun'anga, kana anotenda zvamasvikiro kana anobvunza vakafa.
12
Ani naani anoita zvinhu izvi anonyangadza pamberi paJehovha, uye nokuda kwetsika idzi dzinonyangadza Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi pamberi penyu.
13
Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
14
Ndudzi dzamunotorera nyika dzinoteerera kuna avo vanoita zvamazango kana kuvuka. Asi kana muri imi Jehovha Mwari wenyu haana kukutenderai kuti muite izvozvo.
15
Jehovha Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akaita seni kubva pakati pehama dzenyu. Munofanira kumuteerera.
16
Nokuti izvi ndizvo zvamakakumbira Jehovha Mwari wenyu paHorebhu pazuva reungano apo makati, “Hatidi kunzwa inzwi raJehovha Mwari wedu kana kuona moto mukuru uyu zvakare, nokuti tingafa.”
17
Jehovha akati kwandiri, “Zvavataura zvakanaka.
18
Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo akaita sewe; ndichaisa mashoko angu mumuromo wake, uye achavaudza zvose zvandichamurayira.
19
Kana pane munhu acharega kuteerera mashoko angu anotaurwa nomuprofita muzita rangu, ini pachangu ndichamubvunza pamusoro pazvo.
20
Asi muprofita achataura muzita rangu mashoko api zvawo andisina kumurayira kuti ataure, kana muprofita anotaura muzita ravamwe vamwari, anofanira kuurayiwa.”
21
Ungati zvako mumwoyo mako, “Tingaziva seiko kuti shoko iri rataurwa naJehovha?”
22
Kana zvakataurwa nomuprofita muzita raJehovha zvikasaitika kana zvikasava chokwadi, shoko iroro harina kutaurwa naJehovha. Muprofita iyeye ataura zvomusoro wake. Musamutya.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34