bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Deuteronomy 31
Deuteronomy 31
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 32 →
1
Ipapo Mozisi akaenda akandotaura mashoko aya kuvaIsraeri vose achiti:
2
“Zvino ndava namakore zana namakumi maviri uye handichagoni kukutungamirirai. Jehovha akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuyambuka Jorodhani urwu.’
3
Jehovha Mwari wenyu pachake ndiye achayambuka ari pamberi penyu. Achaparadza ndudzi idzi dzose pamberi penyu, mugotora nyika yavo. Joshua ndiye achayambuka ari pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.
4
Zvino Jehovha achavaitira ivo zvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, vaakaparadza pamwe chete nenyika yavo.
5
Jehovha achavaisa kwamuri, uye munofanira kuvaitira zvose zvandakakurayirai.
6
Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.”
7
Ipapo Mozisi akadana Joshua akati kwaari, pamberi pavaIsraeri vose, “Simba utsunge mwoyo, nokuti unofanira kuenda navanhu ava munyika iyo Jehovha akapika kumadzitateguru avo kuti achavapa, uye unofanira kuigovera kwavari senhaka.
8
Jehovha pachake achakutungamirira uye achava newe; haangakusiyi kana kukurasa. Usatya kana kuora mwoyo.”
9
Saka Mozisi akanyora murayiro uyu akaupa kuvaprista, vanakomana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, uye nokuvakuru vose veIsraeri.
10
Ipapo Mozisi akavarayira, akati, “Panopera makore manomwe nguva dzose, mugore rokukanganwira zvikwereti, panguva yoMutambo waMatumba,
11
vaIsraeri vose pavanouya kuzozviratidza pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza, muchaverenga murayiro uyu pamberi pavo vachinzwa.
12
Unganidzai vanhu, varume, vakadzi navana uye navatorwa vagere mumaguta enyu, kuti vanzwe uye vazive kutya Jehovha Mwari wenyu nokutevera zvakanaka mashoko ose omurayiro uyu.
13
Vana vavo, vasingazivi murayiro uyu, vanofanira kuunzwa uye vagodzidza kutya Jehovha Mwari wenyu panguva yose yamuchagara munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”
14
Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino zuva rokufa kwako rava pedyo. Dana Joshua mugondomira muTende Rokusangana kuti ndimurayire.” Saka Mozisi naJoshua vakauya vakazviratidza paTende Rokusangana.
15
Ipapo Jehovha akazviratidza paTende mushongwe yegore, uye gore rikamira pamusuo weTende.
16
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, “Uchavata namadzibaba ako, uye vanhu ava, zvino zvino, vachaita ufeve navamwari vavatorwa venyika yavari kupinda. Vachandirasa uye vachaputsa sungano yandakaita navo.
17
Pazuva iroro ndichavatsamwira ndigovarasa: ndichavanza chiso changu kubva kwavari, uye vachaparadzwa. Njodzi namatambudziko mazhinji zvichavawira uye pazuva iro vachabvunza vachiti, ‘Ko, hatina kuwirwa nenjodzi idzi nokuti Mwari wedu haasi pakati pedu here?’
18
Zvino ndichaviga chiso changu zvirokwazvo nezuva iro nokuda kwezvakaipa zvavo zvose zvokutsaukira kuna vamwe vamwari.
19
“Zvino zvinyorerei rwiyo urwu mugorudzidzisa kuvaIsraeri uye mugovaita kuti varuimbe, kuitira kuti chigova chapupu kwandiri pamusoro pavo.
20
Kana ndichinge ndavauyisa munyika inoerera mukaka nouchi, nyika iyo yandakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo, uye kana vachinge vadya vaguta uye vakora, vachatsaukira kuna vamwe vamwari vagovanamata, vachindiramba uye vachiputsa sungano yangu.
21
Zvino kana njodzi namatambudziko mazhinji zvavawira, rwiyo urwu ruchavapupurira pamusoro pavo, nokuti haruzombokanganwikwi nezvizvarwa zvavo. Ini ndinoziva zvavachazoita, kunyange ndisati ndavauyisa munyika yandakavavimbisa nemhiko.”
22
Saka Mozisi akanyora rwiyo urwu nomusi uyu uye akarudzidzisa kuvaIsraeri.
23
Jehovha akapa murayiro uyu kuna Joshua mwanakomana waNuni akati, “Simba utsunge mwoyo, nokuti uchauyisa vaIsraeri munyika yandakavavimbisa nemhiko, uye ini pachangu ndichava newe.”
24
Mushure mokunge Mozisi apedza kunyora mubhuku mashoko omurayiro uyu kubva pokutanga kusvikira pokupedzisira,
25
akapa murayiro uyu kuvaRevhi vaitakura areka yesungano yaJehovha achiti,
26
“Torai Bhuku iri roMurayiro muriise parutivi peareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu. Ipapo richagara sechapupu pamusoro penyu.
27
Nokuti ndinoziva kuti vanomukira sei uye kuti mitsipa yavo mikukutu sei. Kana maimukira Jehovha ndichiri mupenyu uye ndiri pakati penyu, ko, kuzoti ndikange ndafa muchamumukira zvakadii!
28
Ndiunganidzirei vakuru vose vamarudzi enyu namachinda enyu ose, kuti nditaure kwavari mashoko vachinzwa uye ndigodana denga nenyika zvivapupurire.
29
Nokuti ndinoziva kuti mushure mokunge ndafa imi muchazvishatisa kwazvo uye muchatsauka kubva panzira yandakakurayirai. Pamazuva anouya, njodzi ichakuwirai nokuti muchaita zvakaipa pamberi paJehovha muchimutsamwisa nokuda kwezvakaitwa namaoko enyu.”
30
Zvino Mozisi akataura mashoko orwiyo urwu kubva kumavambo kusvikira kumagumo, ungano yose yeIsraeri ichinzwa:
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34