bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Esther 1
Esther 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 2 →
1
Mumazuva aAhasuerusi, Ahasuerusi uya aitonga nyika dzinobvira kuIndia kusvikira kuItiopia achitonga zana renyika rine nyika makumi maviri nenomwe,
2
mumazuva iwayo, pakagara mambo Ahasuerusi pachigaro chake choumambo muguta reSusa, guta guru.
3
Mugore rake rechitatu rokutonga akaitira mabiko machinda ake ose namakurukota vakuru vakuru vehondo yePezhiya neMidhia nevokumbahuru namasadunhu amatunhu iwayo vari paari.
4
Izvozvo ainge achiratidza kuwanda kwoupfumi hwoumambo hwake norunako rwahwo nechiremera chake nomukurumbira woumambo hwake kwamazuva mazhinji, kwezana ramazuva rina mazuva makumi masere.
5
Kuzoti mazuva iwayo apera, mambo akaitira vanhu mabiko amazuva manomwe munhandare yomubindu romumuzinda wokwamambo. Akaitira mabiko iwayo vanhu vose vakanga vari muguta guru reSusa, guta romuzinda, vose zvavo vakuru navaduku.
6
Pakanga paine machira machena okudzikatirisa edonje chaiwo nezvimwe zveruvara rwedenga zvakanga zvakaturikwa zvakasungirirwa kumaringi esirivha netambo dzerineni dzakanakisisa kwazvo nedzeruvara rwehute pamisimboti yamabwe omunyakwe nezvigaro zvendarama nezvesirivha zvokugara wakanyatsozendama nezvesirivha nemabwe omunyakwe emavara matsvuku namachena nomunyakwe, namatombo emapera namatombo akakosha.
7
Zvokunwa izvi zvaiperekerwa mumahambarara endarama namamwewo mahambarara emhando nemhando. Waini yokwamambo yaiitwa zvokutopa negombe kwazvo sokuwandawo kwewaini yokwamambo.
8
Yainwiwa zviri pamurao pasina zvokumanikidza munhu nokuti mambo akanga atemera makurukota ose omumuzinda make kuti vaitire munhu nomunhu zvaanenge achida.
9
VaHosi vamambo, Vhashiti akaitirawo vanhukadzi mabiko mumuzinda wamambo Ahasuerusi.
10
Pazuva rechinomwe racho, mambo afaranuka mwoyo newaini akaudza Mehumani naBhizita naHaribhona naBhigita naAbhagita naZeta naKarikasi, vayuniki vanomwe vaishandira mambo Ahasuerusi savatariri vomumuzinda make
11
kuti vauye navahosi vamambo, Vhashiti, pana mambo akapfeka ndaza yake youhosi. Chaakaitira izvi kwaiva kuti aratidze ndudzi nendudzi dzavanhu namachinda runako rwake pamusana pokuti iye akanga aine chimiro chinoyemurika.
12
Asi vahosi vamambo, Vhashiti, akaramba kuuya sokurayirwa kwakanga kwaitwa vayuniki ava namambo. Izvozvi izvi zvakashatirisa mambo akaviruka chaizvo nehasha.
13
Zvino mambo akakurukura nengwazi dzavarume vaiziva zvomukore iwoyo. Ndiwo aiva maitiro amambo kune vazivisisi vomutemo nokutonga.
14
Vaimutevedzera vacho ndaava vainzi Karishena naSheta naAdhimata naTarishishi naMeresi naMarisena naMemukani. Ivava vari vanomwe ndivo vaiva machinda ePezhiya neMidhia ndivo vaionana namambo uso nouso varivo vezvigaro zvokutangisisa paumambo. Akavati,
15
“Pamutemo, chii chinofanira kuitwa kuna vahosi Vhashiti, varega kuita zvarayirwa vayuniki namambo Ahasuerusi zvaatema kuti zviitwe?”
16
Memukani ndokutaura pana mambo namachinda achiti, “Vahosi vamambo, Vhashiti, haana kutadzira mambo chete, asi atotadzirawo machinda ose namarudzi ose avanhu vari munyika dzamambo Ahasuerusi.
17
Ndinodaro nokuti, zvaitwa navahosi vamambo izvi zvichazikanwa navakadzi vose zvikakonzera kuti vazvidze varume vavo nokuti vachati, ‘Mambo Ahasuerusi akarayira kuti vahosi vamambo vauyiswe kwaaiva, asi ivo vakarega kuendako wani!’
18
Iye nhasi uno chaiye, vakadzi vomuPezhiya umu nomuMidhia vanzwa zvaitwa navahosi vamambo izvi, vachatozvitaurirawo kumachinda ose amambo pachave nokushora noruvengo rukuru kwazvo.
19
Kana zvichikufadzai mambo ngapatemwe chirevo chinobva kunemi mambo chitobvawo chatonyorwa mumutemo yavaPezhiya nevaMidhia, uve mutemo usingashandurwi unoti: Vhashiti haafanire kumbobvumirwazve zvake kusvika pana mambo Ahasuerusi, uyewo chinzvimbo chake chokwamambo chipiwe kuno mumwe ari nani paari.
20
Saizvozvo kana chirevo ichochi chaitwa namambo chaparidzwa munyika yamambo yose namakuriro ayakaita, madzimai ose acharemekedza varume vavo. Vangave varume vane chinzvimbo chiri pamusoro kana chiri pasi zvacho.”
21
Zano iri rakafadza mambo namachinda, mambo vakaita sokutaura kwakanga kwaita Memukani.
22
Akatumira matsamba kunyika dzose dzoumambo hwake nyika nenyika achiinyorera namanyorero ayo, rudzi nerudzi nomutaurowo warwo kuti, murume woga woga ave ndiye tenzi womusha wake achitaura norurimi rwavanhu vokwake.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10