bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Esther 6
Esther 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 7 →
1
Usiku ihwohwo, mambo haana kumborara. Akati vanhu vamuvigire bhuku rokuyeuchidza nyaya dzakamboitika reNhoroondo, dzikaverengwa pana mambo ipapo.
2
Makawanika makanyorwa zvokunyevera kwakaita Modhekai nezvaBhigitana naTereshi, vayuniki vaviri vokwamambo vaya vakanga vari vokugaririra kusuo guru vakanga vafunga zvokuuraya mambo Ahasuerusi.
3
Mambo akati, “Chii chaizvo chakapiwa Modhekai kuitira nyaya iyoyi chokumuremekedza kana chokumukudzawo nacho?” Machinda amambo aimushandira akati, “Hapana chaakaitirwa uya!”
4
Mambo akabva ati, “Ndianiko ari munhandare umu?” Izvozvo Hamani akanga achangoti pindei munhandare yokunze yomumuzinda wamambo kuzopira kuna mambo nyaya yokuti Modhekai asungirirwe pamutandarikwa uya waakanga amugadzirira.
5
Mamwe machinda amambo ndokuti, “NdiHamani, amire munhandare umu.” Mambo akati, “Muregei zvake apinde.”
6
Nokudaro Hamani akapinda, mambo akati kwaari, “Chii chaizvo chingaitirwe munhu kuri kuti mambo ada kumuremekedza?” Ipapo nechomumwoyo Hamani akazviti, “Iye mambo ndiani chaizvo waangafarire kuremekedza kupinda ini?”
7
Hamani akapindura mambo achiti, “Zvingaitirwe munhu wamunenge mada kuremekedza imi mambo ndezvokuti ngapaunzwe hanzu dzoumambo,
8
hanzu dzamunombopfeka imi mambo nebhiza rinotasvwa namambo rinoiswa chiremba choumambo mumusoro.
9
Hanzu idzodzo nebhiza racho, ngazviiswe mumaoko merimwe jinda rokwamambo rapamusoro-soro. Jinda iroro ngarishongedzwe hanzu idzodzo munhu wacho anoda kuremekedzwa namambo. Jinda iroro ngarifambe nomunhu iyeyo napamusika weguta rino achidaidzira ari mberi kwake kuti, ‘Izvi ndizvo zvinoitwa namambo kumunhu waanenge ada kuremekedza!’ ”
10
Ipapo mambo akabva ati kuna Hamani, “Chitokurumidza utore hanzu idzodzo nebhiza racho sokutaurawo kwawaita. Uitire saizvozvo Modhekai muJudha anogaririra kuSuo Guru rokwaMambo. Usawane zvaunosiya pane zvawareva izvi.”
11
Saizvozvo Hamani akatora hanzu dzacho nebhiza racho akashongedza Modhekai akamufambisa napamusika weguta ari pabhiza, Hamani achidaidzira achiti, “Izvi ndozvinoitwa namambo kumunhu waanenge ada kuremekedza!”
12
Modhekai akazodzokera kusuo guru rokwaMambo, asi Hamani akakurumidza kudzokera kumba kwake achiungudza akafuka musoro.
13
Hamani akasvikotaurira mudzimai wake Zereshi neshamwari dzake dzose zvakanga zvaitika kwaari. Ngwazi dzake nomudzimai wake Zereshi, vakati kwaari, “Kana Modhekai wawatanga kukotamira ari werudzi rwechiJudhaka hamumbomukurira asi kutoti iyewe ndiwe uchatoputsika chete pamberi pake.”
14
Vachingunotaura navo kudaro, pakasvika vayuniki vamambo kuzotora Hamani nokukurumidza kuenda naye kumabiko aye akaitwa naEsita.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10