bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Esther 3
Esther 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 4 →
1
Mushure maizvozvi izvi, mambo Ahasuerusi akasumudzira pamusoro Hamani wokwaAgagi mwanakomana waHamedhata akamukwidziridza achimupa chigaro chepamusoro kudarika machinda mamwe ose aakanga anawo.
2
Zvino makurukota ose amambo akanga ari epasuo guru rokwamambo vaikotama vachiremekedza Hamani nokuti ndozvakanga zvatemwa namambo nezvake. Asi Modhekai haaipfugama achimugwadamira.
3
Makurukota amambo aive pasuo guru rokwamambo akazobvunza kuti, “Unotyorerei murao wamambo?”
4
Pavakataura naye zuva nezuva iye asingateereri vakazozvisvitsa kuna Hamani vachida kuona kuti zvaitaurwa naModhekai zvaizomusvitsa kupi, nokuti akanga avaudza kuti aiva muJudha.
5
Hamani, paakaona kuti Modhekai akanga asingapfugami kana kumugwadamira akaviruka chaizvo nehasha.
6
Akaona chiri chinhu chisina maturo kungoranga Modhekai chete, naizvozvo sezvo akanga audzwa kuti rudzi rwaModhekai nderwechiJudha, akafunga zvokuparadza maJudha ose, vanhu vokwaModhekai wacho munyika dzose dzoumambo hwaAhasuerusi.
7
Mumwedzi wechiposhi, mwedzi waNisani, mugore regumi rechipiri rokutonga kwaAhasuerusi vakashandisa Puri, ndochin'ange ichocho pana Hamani zuva nezuva. Vaichiita mwedzi nomwedzi kudzamara pamwedzi wegumi nechipiri ndiwo mwedzi waAdhari iwoyo.
8
Hamani akati kuna mambo Ahasuerusi, “Kune rumwe rudzi rwavanhu rwakatekeshera rwakaita mharadzirwa mukati mendudzi dzavanhu munyika dzose dzoumambo hwenyu. Mitemo yavo yakasiyana neyedzimwe ndudzi dzose dzavanhu uye havachengete mitemo yamambo zvokuti kuvarega zvavo vakangodaro, hapana chiyamuro kwamuri mambo.
9
Kana muchida zvenyu mambo, panofanira kutemwa chirevo chokuti vaparadzwe. Ini ndini ndichabvisa mari yesirivha inosvika mazana matatu amatani ane matani makumi mana ane mashanu, ndoiisa mumaoko avanhu vanoona nezvebasa rokwamambo kuti vagoiisa munochengeterwa upfumi hwokwamambo.”
10
Nokudaro mambo akabvisa muruoko ringi yake yechidhindo akapa kuna Hamani muvengi wevaJudha muAgagi mwanakomana wokwaHamedhata.
11
Mambo akati kuna Hamani, “Mari yacho unopiwa iwe uye vanhu vacho vanoiswa mumaoko mako kuti uite zvaunoda navo.”
12
Vanyori vokwamambo vakadaidzwa musi wegumi nechitatu wemwedzi wechiposhi kukanyorerwa chirevo chiya madzishe namasadunhu enyika dzose namachinda endudzi dzose dzavanhu. Vakachinyora namanyorero enyika yoga yoga nomutauro wenyika imwe neimwe, maererano nezvose zvainge zvatemwa naHamani. Chirevo ichocho chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa nechidhidho chamambo.
13
Kwakatumwa vokumhanya namatsamba kunyika dzose dzamambo aiti kuparadzwe, kuurayiwe, kutsakatiswe maJudha ose zvawo; vakuru navadiki, vakadzi navana nomusi mumwechete musi wegumi nechitatu womwedzi wegumi nechipiri, mwedzi waAdhari uye kupambwe zvinhu zvavo.
14
Tsamba yakaita saiyoyi yaifanira kupiwa somutemo munyika dzose ichifanira kuparidzwa kundudzi dzose dzavanhu kuti musi iwoyo vange vakagadzirira.
15
Vokumhanya neshoko vaye vakakasika kuenda chiri chinhu chainge chatemwa namambo. Chirevo ichi chakatemwa muguta reSusa, mumuzinda wamambo. Mambo naHamani ndokugara pasi vava kunwa zvavo asi guta reSusa rakakangaidzwa nazvo.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10