bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Esther 8
Esther 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 9 →
1
Musi iwoyo mambo Ahasuerusi akapa kuna vahosi vake Esita imba yaHamani muvengi wavaJudha Modhekai akauya kuna mambo nokuti Esita akanga amutaurira kuti chii chake.
2
Mambo akabvisa ringi rake rechidhindo raakatorera Hamani ndokuripa kuna Modhekai. Esita akaisa imba yaHamani mumaoko maModhekai.
3
Esita akataurazve kuna mambo. Akawira pasi pamakumbo ake achimuteterera nemisodzi padama kuti akonese bangano rakaipa raHamani muAgagi nezano raakanga aronga rokuparadza vaJudha.
4
Mambo akasumudzira tsvimbo yake yendarama kuna Esita,
5
Esita akabva asimuka akamira mberi kwamambo, akati, “Kana zvichikufadzai zvenyu mambo uye mandiitirawo tsiye nyoro, uyezve kana muchichionawo kuti chingave chinhu chakanaka, mandiitirawo mwoyochena; ngakunyorwe matsamba anoti: zvakanga zvakatemwa mutsamba, naHamani muchiAgagi mwanakomana waHamedhata, tsamba dzaakanga anyorera kuparadza vaJudha vari munyika dzose dzamambo.
6
Nokuti ndingaise kupi mwoyo kuona nyatwa iri kuwira vanhu vokwangu? Uye kuti ndingabate papi chaizvo kuona vanhu vokwangu vachiparadzwa?”
7
Mambo Ahasuerusi akati kuna vahosi Esita naModhekai muJudha, “Chionai kuti ndakapa Esita imba yaHamani, akasungirira Hamani pamutandarikwa pamusana pokuti aida kuzouraya vaJudha.
8
Zvino imi mochinyora zvamunoda nezvevaJudha muzita ramambo mugozvidhinda neringi ramambo rechidhindo nokuti chirevo chinenge chanyorwa muzita ramambo uye chikadhindwa neringi ramambo rechidhindo, hachisandurwi.”
9
Vanasamunyori vamambo vakadaidzwa panguva iyoyo mumwedzi wechitatu, unonzi Sivani pari pazuva rechimakumi maviri namatatu. Kwakanyorwa chirevo chaitaura zvainge zvatemwa naModhekai pamusoro pevaJudha chichienda kumadzishe namasadunhu namachinda enyika dzaibvira kuIndia kusvika kuItiopia, dzaisvika zana namakumi maviri ane nomwe. Nyika yoga yoga ichinyorerwa nomunyorero wayo rudzi rumwe norumwe ruchinyorerwa nomutauro warwo. Uyewo nokuvaJudha nomunyorero wavo nomutauro wavo.
10
Chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa neringi ramambo rechidhindo. Tsamba idzodzo dzakatumirwa nevokumhanya nemashoko vakanga vakatasva mabhiza omudanga ramambo aimhanya kwazvo aishandiswa pabasa ramambo.
11
Netsamba idzi, mambo akabvumidza vaJudha vomuguta rimwe nerimwe kuunganidzana kuti vazozvidzivirira upenyu; uye kuti vaparadze nokutouraya chaiko nokutsakatisa hondo ipi neipi zvayo yavanhu inenge iine zvombo zvehondo, kana nyika inenge yafunga zvokurwisa ivo navana vavo navakadzi vavo, kana kuzopamba zvinhu zvavo;
12
uye kuti zviitwe nezuva rimwechete chairo munyika dzose dzamambo Ahasuerusi musi wacho wegumi nechitatu wemwedzi wegumi nechipiri, ndomwedzi waAdhari iwoyo.
13
Imwe Tsamba yakangoita saiyoyi iyi yaifanira kuzoburitswa sechirevo munyika yoga yoga igonyatsoziviswa kuvanhu. VaJudha vose vaifanira kugadzirira pamusi iwoyo kutsividza vavengi vavo.
14
Saizvozvowo vokumhanya namashoko vaya vakabva vati karakata pamabhiza avo anomhanya kwazvo, aimboshandiswa pabasa ramambo ndokuenda nokukurumidza nokuti chaive chinhu chatemwa namambo. Chirevo ichi chakatemwa muguta reSusa, guta guru renyika iyoyo.
15
Modhekai akabva pana mambo ipapo, akabuda akapfeka hanzu dzokwamambo dzeruvara rwedenga nechena aine ndaza huru yendarama nejasi refu-refu rejira rerineni yakanakisisa yeruvara rwehute, guta rose reSusa riri zhwerendende kufara.
16
VaJudha vakava nechiedza vakapembera vachifara vakanzwa kuremekedzwa.
17
Munyika dzose idzodzo nomumaguta ose kwakasvikwa nechirevo chamambo nezvakanga zvatemwa namambo, makava nokufara nokupembera pakati pavaJudha. Kwakabva kwaitwa zuva guru okufara nokuzorora. Vamwewo mukati menyika iyoyi vakazviti vava vaJudha nokuti vakanga vawirwa nokutya vaJudha.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10