bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
James 2
James 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Hama dzangu musave norusarura, imi muine chitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu, Tenzi wembiri.
2
Ngatitii munhu ane mhete dzendarama, akapfeka hanzu dzakanakisisa anouya pasangano penyu. Munhu murombo akapfeka marengenya ouyawo
3
imi motarira uya akapfeka hanzu dzakanakisisa moti kwaari, “Uya ugare napapa,” asi muchiti kumurombo, “Mira uko” kana kuti, “Uya ugare pasi pedyo nechitambarariko chetsoka dzangu.”
4
Hamuna here kuita rusaruro pakati penyu muchiva vatongi vane pfungwa dzakaipa.
5
Teererai, hama dzangu dzadiwa. Mwari haana kusarudza here varombo panyika kuti vave vapfumi muchitendero uye vagari venhaka youmambo hwaakatsidzira vanomuda.
6
Asi imi munoshora murombo. Vapfumi havasirivo here vanokudzvanyirirai uye havasirivo vanokukwekweretserai kumatare here?
7
Havasirivo vanoshonha here zita rinoremekedzwa ramunodaidzwa naro?
8
Kana mukazadzisa mutemo woumambo maererano namagwaro matsvene unoti, “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Munoita zvakanaka.
9
Asi mukaratidza rusaruro, munopara chitadzo uye munopihwa mhosva nomutemo savatyori vomutemo
10
nokuti munhu anochengeta mutemo wose asi okundika pamwe pawo ane mhosva yokutyora wose.
11
Chikonzero ndechokuti iye akati, “Usaite upombwe,” ndiye akatiwo, “Usauraye.” Kana ukarega zvako kuita upombwe asi iwe uchiuraya watodarika mutemo.
12
Kutaura nokuita kwenyu zviitei savanhu vachatongwa nomutemo worusununguko
13
nokuti kutonga hakuna tsitsi kune munhu asinawo kuratidza tsitsi. Asi kune vakaratidza tsitsi kutonga hakuna zvakunovaita.
14
Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa? Chitendero chingamuponese here?
15
Ngatitii hamarume kana hamakadzi haina chokupfeka isina chokudya chamazuva ose,
16
mumwe wenyu oti kwavari, “Endai zvenyu norugare mudziirirwe uye mugute” asingavape zvinodikanwa nomuviri zvinobatsirei.
17
Nokudaro chitendero pachacho chisina mabasa chakafa.
18
Mumwe angati “Iwe une chitendero ini ndina mabasa. Ndiratidze chitendero chako iwe usina mabasa ini namabasa angu ndikuratidze chitendero changu.”
19
Unotenda kuti Mwari mumwechete unoita zvakanaka. Kunyange mweya yakaipa inotendawo kudaro ichitodedera.
20
Nhaiwe benzi romunhu, unoda here kuziva kuti chitendero chisina mabasa hachina muchero?
21
Abhurahamu baba vedu havana kururamiswa namabasa here pavakapira mwanakomana wavo Isaki paatari.
22
Unozviona kuti chitendero chavo namabasa avo zvaishanda pamwechete, chitendero chakazadzikiswa namabasa.
23
Magwaro Matsvene akabva azadziswa anoti, “Abhurahamu vakatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama akanzi shamwari yaMwari.”
24
Munozvionawo kuti munhu anoruramiswa namabasa kwete nechitendero choga.
25
Handizvo zvimwechetezvo here nepfambi Rahabhu yakaruramiswa namabasa payakagamuchira vasori ikavaendesa neimwe nzira?
26
Nokuti ndizvo zvakaita muviri, kana usina mweya wakafa; saizvozvowo chitendero chisina mabasa chakafa.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5