bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
James 5
James 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
1
Zvino imi vapfumi chemai muridze mhere nokuda kwenhamo dzichakuwirai.
2
Upfumi hwenyu huri kuora uye hanzu dzenyu dziri kudyiwa nezviundudzi.
3
Ndarama yenyu neSirivha zviri kuita ngura. Ngura yazvo ndiyo ichakuwanisai mhosva. Ichakudyai nyama yenyu somoto. Makazviunganidzira upfumi kuitira mazuva okupedzisira.
4
Chinzwai munzwe kuchema kuri kuita mibayiro yavashandi vaikohwa minda yenyu yamakachengeta zvokubiridzira, uye kuchema kwavakohwi kwakasvika munzeve dzaTenzi wehondo nehondo.
5
Makagara panyika mumutambaratede nomumafaro. Makazvikodza nezvapamwoyo kuitira zuva rokubaiwa.
6
Makapa mhosva mukauraya mururami asi haana kukudzivisai.
7
Itai zvenyu mwoyo murefu hama dzangu kusvikira Tenzi auya. Tarisai muone murimi anorima michero inokosha yenyika. Anoita mwoyo murefu nazvo kusvikira yawana mvura yomunhuruka neyokupedzisira.
8
Imiwo munofanira kuita mwoyo murefu; mutsunge mwoyo nokuti Tenzi ava pedyo nokuuya.
9
Musanyunyutirane, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Hoyo mutongi wotosvika, ava pamisuo.
10
Hama dzangu, torai; vaporofita vaitaura muzita raTenzi somuenzaniso wokutambudzika uye wokuita mwoyo murefu.
11
Inga wani tinoti vakakomborerwa vakatirira. Inga makanzwa kutirira kwaJobhu mukaona chinangwa chaTenzi kuti Tenzi ane ngoni netsitsi zvakadii.
12
Asi kupfuura zvose, hama dzangu musapike nedenga kana nenyika kana nokupika kupi zvako. Regai hongu wenyu angova, hongu uye, kwete wenyu angova kwete kuti murege kupiwa mhosva.
13
Pakati penyu pane ari kutambudzika here? Ngaanamate. Pane ari kufara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza.
14
Pane anorwara here pakati penyu. Ngaadaidze vakuru vakuru vesangano vazomunamatira vachimuzora mafuta muzita raTenzi.
15
Munamato uyu wechitendero uchaponesa murwere. Tenzi achamumutsa uye kana akapara zvitadzo acharegererwa.
16
Naizvozvo reururai zvitadzo zvenyu mumwe kunomumwe muchinamatirana kuti muporeswe. Munamato womunhu akarurama une simba pakushanda kwawo.
17
Eriya akanga ari munhu akangoitawo sesu pamuzvarirwo wake. Akanamata nomwoyo wose kuti kurege kunaya. Kwamakorewo matatu nemwedzi mitanhatu hakuna kunaya panyika.
18
Akazonamatazve, denga rikanaya mvura, nyika ikabereka muchero wayo.
19
Hama dzangu pakati penyu mumwe akatsauka pachokwadi, mumwewo akamudzora, iyeyo
20
ngaazive kuti ani nani anodzora mutadzi mukurasika kwake gwara achaponesa mweya wake kurufu uye zvitadzo zvizhinji zvichafukidzwa.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
All chapters:
1
2
3
4
5