bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
James 4
James 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Chii chinokonzera hondo uye chii chinokonzera kurwisana pakati penyu? Hadzisi havi dzenyu here dzinokonzera kurwisana mukati memitezo yenyu?
2
Munoda chinhu motadza kuchiwana nezvo munobva monouraya. Munochiva chinhu asi motadza kuchiwana nezvo morwa zvokuita hondo. Hamuwani chinhu nokuti hamukumbiri.
3
Kana mukakumbira hamuwane nokuti hamukumbiri nenzira kwayo muchitoda zvenyu kuzvipedzera muhavi dzenyu.
4
Vanhu vasingatendeki! Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kunoita kuti muvengane naMwari? Naizvozvo munhu anoda kuva shamwari yenyika anozviita mhandu yaMwari.
5
Kana kuti munofunga here kuti Magwaro Matsvene anotaura pasina paanoti, “Mwari anorwadziwa mumwoyo neshanje pamusoro paMweya waakati agare matiri
6
asi anopa nyasha dzakatowanda.” Ndosaka Magwaro Matsvene achiti, “Mwari anopikisana navanozvikudza achipa nyasha dzake kune vanozvininipisa.”
7
Naizvozvo zviisei pasi paMwari. Rwisai Satani iye achakutizai.
8
Swederai kuna Mwari iyewo achaswederawo kwamuri. Shambai maoko enyu imi vatadzi muchenese mwoyo yenyu, imi vanhu vemwoyo miviri.
9
Suwai muungudze mucheme. Kuseka kwenyu ngakusanduke kuve kuungudza; kufara kwenyu kuve kusuruvara.
10
Zvirerekei pamberi paTenzi iye achakukwidziridzai.
11
Hama dzangu musataure zvakaipa nezvavamwe. Munhu anotaura zvakaipa nezvehama kana kutsoropodza hama yake anotaurawo zvakaipa nezvomutemo uye anotsoropodza mutemo. Zvino kana uchitsoropodza mutemo hausi kuchengeta mutemo watova mutsoropodzi.
12
Kunongova nomupi mumwechete womutemo nomutongi anogona kuponesa nokuparadza. Ko iwe uri aniwo zvako iwe, unotsoropodza mumwe wako?
13
Ko zvino imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rakati tondopedza gore tiriko tigoshava tiwane upfumi”
14
asi zvamangwana musingambozviziva? Upenyu hwenyu chii? Nokuti muri mhute inongooneka kwechinguva yobva yanyangarika.
15
Zvamunotofanira kutaura ndezvokuti: “Kana Tenzi achida tichararama uye tichaita ichi nechocho.”
16
Asi sezvazviri munotozvitutumadza mukuzvikudza kwenyu. Kuzvitutumadza kose kwakadaro kwakashata.
17
Munhu anoziva zvinofanira kuitwa zvakarurama, asi asingazviiti, kwaari chitadzo.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5