bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
James 3
James 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Hama dzangu, vazhinji venyu ngavarege kuva vadzidzisi nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvakatonyanya kuomarara.
2
Nokuti tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asinganganisi mune zvaanotaura, munhu iyeyo, munhu akakwana anogona kuita kuti muviri wake wose umuteerere.
3
Kana tichiisa matomhu mukanwa memabhiza kuti atiteerere, tinotungamirira miviri yawo yose.
4
Tarisai muonewo zvikepe. Kunyange zvakakura zvazvo kudaro uye zvichisundwa nemhepo dzine simba, zvinotungamirirwa nekadiki kokudzoresa chikepe kunenge kwadiwa nomutyairi.
5
Saizvozvo rurimi kanhengo kadikidiki kanozvikudza nezvinhu zvikuru. Sango guru rinoririmiswa wani nakamoto kadikidiki.
6
Rurimi moto. Rurumi inyikawo pachayo nokwayo youipi mukati menhengo dzomuviri wedu. Runosvibisa munhu wose sezvaari ruchingandutsa nomoto nzira youpenyu hwose hwomunhu. Irwowo runobatidzwa nomoto warwo negehena.
7
Mhuka dzamarudzi ose neshiri nezvose zvinozvova napasi nezvinhu zvomugungwa zvinogona kupingudzwa uye zvinopingudzwa navanhu.
8
Asi hapana munhu anogona kupingudza rurimi, rwakaipa uye haruna parwo uyezve rune chepfu.
9
Tinorumbidza narwo Tenzi naBaba uye narwo tinorengerera vanhu rushambwa, vanhu vakasikwa vakafanana naMwari.
10
Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro.
11
Chisipiti chingaburitse, napaburi rimwechete, mvura yakanaka nemvura inovava here?
12
Muonde ungabereke maorivhi here, nhai hama dzangu, kana kuti mugirepisi ungabereke maonde here? Saizvozvowo mvura inovava haigoni kuburitsa mvura yakanaka.
13
Ndiani akangwara uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze izvozvo nomugariro wake wakanaka unoitwa muungwaru hwokuzvidukupisa.
14
Zvino kana muine shanje yakaipisisa noundingoveni hwakaipa mumwoyo yenyu musazvirumbidze muchirevera chokwadi nhema.
15
Ungwaru hwakadai haubvi kudenga asi ndehwapasi pano hwomuberekerwo womunhu uye wohusatani.
16
Nokuti pane shanje noundingoveni hwakaipa, panoita nyonganyonga nokuita kose kwakashata.
17
Asi ungwaru hunobva kudenga, pokutanga hutsvene kwouya kuti ndehwerugare nemwoyo murefu, hunonzwisisa, uye huzere tsitsi, hune michero yakanaka husina chinokahadzisa kana chinonyengedza.
18
Muchero woururami unodyarwa murugare navawadzanisi.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5