bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Lamentations 1
Lamentations 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
O babawe kani! Guta riya rangove guta iwe guta raimbove bvakapfaka ravanhu. Kuita sechirikadzi kudai! Guta raimbova mambokadzi chaiye pamaguta ose nhasi pidigu rava murandawo zvake.
2
Usiku rinosvimha misodzi zvinosiririsa, misodzi ichiti mekete mekete, pamatama aro. Pazvikomba hapana kana mumwe wokurinyaradza. Shamwari dzake dzose dzakaritamba isina kunaka, ivo ndivo vatova mhandu dzaro.
3
VaJudha, pamusana penhamo, vatapwa noutapwa vakapindana nouranda hwakaomarara vachiti njo mukati mevechirudzi, ivo pokugara vasina, vanodzingirira vaya vakavawira panguva yedambudziko ravo.
4
Nzira dzokuenda kuZioni dzinoungudza nokuti anouya kumazuva makuru akatemwa hapana. Misuo yaro mikuru yachiti haradada kushama. Vapristi varo vari kugomera, vanasikana varo vakakwekweretswa, iro guta pacharo riri kutambura zvikuru.
5
Mhandu dzavo ndidzo dzava pamusoro, vavengi varo ndivo vabudirira, nokuti Tenzi akavapinza dambudziko pamusana pezvikanganiso zvaro, vana varo vaenda kuutapwa vachitinhwa navavengi vavo.
6
Jerusaremu yarasikirwa nomukurumbira wayo, machinda ayo ungati imhara chaidzo dzashaya mafuro dziri kutiza dzisisina simba dzichitiza vanodzidzingirira.
7
Hezvo pamazuva ayo enhamo nokurwadzwa Jerusaremu inoyeuka zvinhu zvayo zvinokosha zvaiva zvayo kubvira pasichigare, vanhu vayo pavakawira mumaoko emhandu asi wokuibatsira pakanga pasina, vavengi vayo vaitonakidzwa zvavo nokuitarisa vachiisveeredza pamusana pokuputsika.
8
Guta reJerusaremu rakatadza zvakaipisisa rikava chinhu chinosemesa, vaimboriremekedza vavakurishora nokuti vakariona riri mutwi, charo kugomera kwoga nokuvanza uso.
9
Tsvina yaro yava pamijivha yaro asi kuti irangarire mugumo waro, haina. Saizvozvo kuputsika kwaro kunotyisa wokurinyaradza hapana. Ndionereiwo nhamo yangu, imi Tenzi muvengi wangu wakurira.
10
Mhandu yakatambanudza maoko ayo ichitora zvayo zvinhu zvayo zvinokosha, yakatoona marudzi achipinda zvawo muNzvimbo Inoera ivavo vamakarambidza kupinda muungano yenyu.
11
Vose vanhu varo vari kugomera vachitsvaka chokudya, votoshambadza zvinhu zvavo zvinokosha kuti vawane chokudya chokuvasimbaradza. “Tarisai zvenyu Tenzi muone ndiri kushorwa ini.”
12
“Ko imi mose vapfuuri nenzira, hamunei nazvo here? Tarisaiwo zvenyu muone kuti kune nhamowo here yakaita senhamo yangu yakaunzwa pandiri, nhamo yandakapinzwa naTenzi pazuva rehasha dzake dzinotyisa?
13
Akatuma moto ukapinda mumapfupa angu uchibva kumusoro. Makumbo angu akaateya namambure. Akandisiya ndadumbirwa, akandidzosa ndakati rukutu zuva rose.
14
“Zvikanganiso zvangu vakazviita sejoko zvaro ravakasungirira namaoko avo pamutsipa wangu; akandipedza simba Tenzi akandiisa mumaoko evandisingagoni kumirisana navo.
15
“Tenzi akaseka zvake magamba angu ose okurwa aiva mandiri. Akandirongera hondo yavanhu kuzoparadza vechiduku vangu. Tenzi akatsikatsika Jerusaremu somuguvi rewaini.
16
Pamusana paizvozvi ndinochema. Maziso angu anoerera misodzi. Nokuti munyaradzi wokundisimbaradza ari kure neni. Vana vangu vachiti dano, havachisina chavanacho nokuti muvengi akunda.
17
Guta reZioni rasimudza maoko richinamata asi wokurinyaradza hapana Tenzi akati vavakidzani naJakobho vave ndivo mhandu dzake. Jerusaremu yave chinhu chinosemesa kwavari.
18
“Tenzi haana mhosva ini ndini ndakapanduka pane zvaakataura; asi chimbondinzwai zvenyu nhai vanhu mose muonewo zvenyu kutambura kwangu kuenda kuutapwa kuri kuita vanasikana vangu nevanakomana.
19
“Ndakachema kushamwari asi vakandinyengedza, vapristi vangu nevakuru vakuru vafira muguta muno vachitsvaka chokudya chokuzviraramisa.
20
“Tarisai zvenyu muone Tenzi nhamo yacho yandinayo. Ini ndatambura ini, mwoyo wangu wadzongodzwa mukati mangu nokuda kwokupanduka kwangu kwakaipisa; mumigwagwa'mu mapakatwa chete kuuraya, mudzimbawo rufu rwoga rwoga.
21
“Ndinzweiwo kugomera kwangu, hapana wokundinyaradza. Zvakavafadza kwazvo vavengi vangu vose kunzwa nezvokutambura kwangu kuti ndimi makazviita. Unzai zuva renyu ramakatsidzira ivo vavewo sezvandiri.
22
“Dai zvakaipa zvavo zvose zvangouya pamberi penyu zvazvo moitawo kwavari zvamakaita kwandiri.” Muti kwavari, “Sezvamakaita kwandiri nokuda kwezvikanganiso zvangu kuungudza kwangu kwawandisa uye mwoyo wangu warukutika.”
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5