bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Lamentations 4
Lamentations 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Kubhuruvara here ikoko kwaita ndarama yedu! Ungati kusanduka here ikoko kwaita ndarama yakanakisisa. Matombo enzvimbo inoera achiti zvawo katakata pamakona emigwagwa yose.
2
Tarisai muone vanakomana veJerusaremu vaimbova nouremo hwavo sendarama yakanakisisa, zvino kuita sehari dzevhu zvadzo dzakaumbwa namaoko omuumbi!
3
Kunyange makava chaiwo anopa achiyamwisa vana vawo asi madzimai emuvanhu vangu vave noutsinye, vaita seshiri yemhou murenje.
4
Rurimi rwamanyana rwavakutonamatira kumusoro mukanwa pamusana penyota, twana twunokumbira chokudya asi hapana anotwupa.
5
Vaye vaidyiririra twunonaka vari kupararira mumigwagwa. Vaya vakarerwa muupfumi vava kutorara pamaturunhuru zvapo.
6
Chirango cheguta revanhu vangu chikuru kupinda chirango cheSodhomu rakaparadzwa nekanguva kadikidiki pasina maoko akashandiswa pariri.
7
Machinda aro akanga akachena kupinda mazaya echando; akachena kupinda mukaka. Miviri yavo yakanga yatsvukira kupinda mabwe ekorari; runako rwechimiro chavo rwakanga rwakaita sesafaya.
8
Asi zvino zviso zvavo zvakasviba kupinda tsito. Hapana aigona kuvaziva mumugwagwa, ganda ravo rakaunyana rikaomorerana namapfupa avo rikaoma somuti.
9
Vakauraiwa namapakatwa vaiva nani pane vokufa nenzara vakaondoroka nokushaya michero yeminda.
10
Maoko amadzimai etsitsi akabika vana vavo pachavo vakave chokudya chavo pakaparadzwa guta revanhu vangu.
11
Tenzi akanyatsoviruka chaizvo nehasha dzake akanyatsoratidza hasha dzake dzinotyisa akabakisa moto muZioni ukapisa ugaro hwaro.
12
Madzimambo apasi pano havana kutenda, kunyange vagari vepasi pose havana kutenda kuti mhandu kana kuti muvengi angapinde mumisuo mikuru yeJerusaremu.
13
Izvi zvakaitika pamusana pezvitadzo zvavaporofita varo nouipi hwavapristi varo vaideura ropa ravakarurama mukati maro.
14
Vakadzengerera neguta samapofu mumigwagwa vakanga vakazorwa-zorwa ropa zvokuti hapana aida kuvabata hanzu.
15
Vanhu vaidaidzira vachiti, “Ibvai makan'ora ibvai ibvai musavabate.” Naizvozvo vakave vatizi navadzungairi. Ndizvo zvaitaurwa nevechirudzi. Zvokuti vagare nesu hapachisina.
16
Tenzi pachake akavamwararisa akarega kuita hanya navo; akarega kuremekedza vapristi; kana kupa rukudzo kuvakuru-vakuru.
17
Takanga tichitsvokorera maziso tichitarisira rubatsiro, takatarisa tatarisazve kunyika isingakwanise kununura.
18
Vanhu vakatiteeredza kwataienda zvokuti hataikwanisa kufamba mumigwagwa yedu. Kuguma kwedu kwakanga kwaswedera. Mazuva edu akanga apera, mugumo wedu wakanga wasvika.
19
Vaitironda vaimhanya kupinda magora omudenga umu. Vakadzingirirana nesu mumakomo vakatigaririra murenje.
20
Iye upenyu hwedu, muzodzwa waTenzi akatorwa mumakomba avo imomo iye wataiti isu, mumumvuri make ndimo matichagara tiri mukati mevechirudzi.
21
Pembera ufare zvako iwe guta reEdhomu iwe mugari wenyika yokwaUzi. Nyange kwauri iyewe mukombe wenhamo uchakuvingawo, uchararadza ugopfekenura kusara wave musvo.
22
Chirango chako iwe guta reZioni chakwana, haachazokuendesazve kuutapwa asi uipi hwako iwe guta reEdhomu uchahurangirwa, zvitadzo zvako achazviburitsa pachena.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5