bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Lamentations 3
Lamentations 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Ini ndiri munhu ndakaziva nhamo neshamhu yehasha dzaMwari.
2
Akandidzinga akandiendisa murima kwete muchiedza.
3
Anonditendeudzira atendeudzazve shamhu yake muswere wose.
4
Akaita kuti ndiperezeke muviri neganda rangu zviperezeke; akandityora mapfupa.
5
Akandikomberedza akandiputira nenhamo namatambudziko.
6
Akandigarisa murima savafi vepasi chigare.
7
Akandipoteredza nechidziro zvokuti handikwanise kupunyuka, akandisunga nengetani dzake dzinorema.
8
Kunyange ndikachema ndichikumbira kubatsirwa kunamata kwangu akakuvhariridza.
9
Akadzivirira nzira dzangu namabwe akavezwa akamonyorotsa nzira dzangu.
10
Kwandiri akaita sebere rakavandira uye seshumba yakahwanda.
11
Akanditsautsa munzira yangu akandibvadzura-bvadzura akandisiya ndachiti dano!
12
Akakunga uta hwake, chaainanga chacho ndini.
13
Akandinanga pakaipa nemiseve yegoba rake.
14
Ndakave chiseko chevanhu vose ndikave rumbo kwavari muswere wose.
15
Akandigutsa nezvinovava akandiraradzisa negavakava.
16
Akaita kuti mazino angu agejere namatombo akandiumburudza kumadota.
17
Akandibvisira paupenyu chinounza rugare, ndakatokanganwawo chinonzi kugarika.
18
Saka ndichiti zvangu zvomukurumbira wangu zvakapera uyewo zvandaitarisira kuna Tenzi zvakapera.
19
Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini, igavakava nenduru zvayo.
20
Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu.
21
Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti:
22
Mwoyochena waTenzi hauperi tsitsi dzake hadziperi.
23
Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva. Kutendeka kwenyu kwakakura.
24
Ini ndinoti Tenzi ndiye nhaka yangu, naizvozvo ndiye chitarisiro changu.
25
Tenzi akanaka kuna vanomumirira kumunhu anomutsvaka.
26
Chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaTenzi chinyararire.
27
Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri mudiki.
28
Ngaagare pasi chinyararire nokuti ndiMwari anenge ariisa paari.
29
Ngaaise zvake muromo wake pavhu zvichida pane chitarisiro chichiripo.
30
Ngaaperekere zvake dama rake kune anorova ashorwe zvake zvizere.
31
Nokuti Tenzi haarase munhu zvachose.
32
Anogona kurwadzisa zvake asi ane tsitsi maererano nokuwanda kwemwoyochena wake.
33
Hachisi chinhu chinomufadza kutambudza kana kurwadzisa vanhu.
34
Zvokuti vasungwa vose vapasi pose vatsikwe-tsikwe pasi petsoka;
35
kana kurega kupa munhu zvaanokodzera, zvaanemvumo nazvo pamberi paWokumusorosoro
36
kana kusatonga mhosva dzavanhu zvakanaka izvozvi izvi Tenzi haazvidi.
37
Ndiani angati chinhu ngachiitike chichibva chaitika kusatoti Tenzi ada kuti chiitike.
38
Zvingave zvinhu zvakanaka kana zvakaipa handiti zvinenge zvatobva mumuromo woWokumusorosoro here?
39
Chero munhu ari mupenyu chete anganyunyutirei kana achirangirwa zvitadzo zvake.
40
Ngatitarisei tiongorore nzira dzedu tidzokere kuna Tenzi.
41
Ngatisimudzirei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari kudenga tichiti,
42
“Takatadza tikapanduka; asi imi hamuna kuregerera.
43
Makamonerwa nehasha mukatironda muchiuraya zvisina tsitsi.
44
Makazviputira imi negore zvokuti hapana munamato unogona kupfuura.
45
Makatiita zvinhu zvisina maturo namarara pakati pavanhu.
46
“Vavengi vedu vanotisveeredza.
47
Kutya nehunza kwatiri zvauya uye kupera nokuparadzwa.
48
Maziso angu anoyerera hova dzemisodzi pamusana pokuparadzwa kweguta ravanhu vangu.
49
“Maziso angu acharamba achingosvimha misodzi pasina zvokumbomira.
50
Kusvikira Tenzi atarisa kubva kudenga azviona.
51
Zvandinoona zvakaitika kuvakadzi vose veguta rangu zvinondirwadza.
52
“Ndakavhimwa ndavhimwazve seshiri navakanga vari mhandu dzangu pasina chikonzero.
53
Vakandipinza mugomba ndiri mupenyu vakakungurutsira dombo pandiri.
54
Mvura yakandikwidibira musoro ndikati ndaparara ini.
55
“Ndakakudaidzai nezita imi Tenzi, ndiri pasi pegomba.
56
Makanzwa imi chichemo changu musadzivire nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro.
57
Makauya pedyo pazuva randakadanidzira kwamuri mukanditi, ‘Usatye.’
58
“Makaita hanya nezvenyaya yangu, Tenzi mukanunura upenyu hwangu.
59
Imi Tenzi makaona zvakaipa zvakaitwa kwandiri. Ndienzanisireiwo nyaya yangu.
60
Makaona, imi, kutsividza kwavo kwose netwavaindirongera.
61
“Makanzwa imi Tenzi kunyomba kwavo netwose twavanondirongera vanondinyeya nokundifungira
62
vavengi vangu vanondinyeya vachindifungira muswere wose wezuva.
63
Kunyange pavanenge vagere zvavo kana kuti pavanenge zvino vamira ini ndini ndinongova rumbo rwavo.
64
“Tenzi, dai mukavadzorera maererano nezviito zvamaoko avo.
65
Vaomeserei mwoyo muvarengerere rushambwa.
66
Muvadzingirire nehasha muvaparadze imi Tenzi, mudenga imomo.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5