bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Lamentations 2
Lamentations 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Pamusana pehasha dzake Tenzi, kukwidibira here ikoko kwamakaita Jerusaremu negore! Akapatitsira pasi kubva mudenga chinonzi mbiri yaIsiraeri ichocho. Pazuva rehasha dzake haana kuyeuka chitambarariko chetsoka dzake.
2
Tenzi zvaasina kuitira tsitsi vagari vose vokwaJakobho akavaparadza akakoromora nehasha nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo dzemisha yokwaJudha. Akaputsira pasi nyika nevatongi vayo akadzinyadzisa.
3
Akaparadza nehasha simba rose reIsiraeri. Rubatsiro rwake akarega kuvapa, izvozvo muvengi achiuya. Akapisa, somoto, vokwaJakobho akaroromesa nharaunda yose.
4
Akakunga uta hwake somuvengi, rudyi rwake rwateya kune mhandu. Akauraya vanhu vapamwoyo pedu akaviruka nehasha somoto muJerusaremu.
5
Tenzi aita somuvengi; aparadza Isiraeri, aparadza mizinda yayo yose. Nhare dzayo dzokuzvidzivirira nadzo muhondo, akadziita matongo zvawo. Akawanziridza muJerusaremu kuchema nokuungudza.
6
Akaparadza musasa wake somusasa womubindu achiita kuti nzvimbo yamazuva ake makuru ive dongo. Tenzi zvamazuva makuru namaSabata akazvimisa. Madzimambo navapristi akavazvidza pamusana pehasha dzake dzinotyisa.
7
Tenzi akashora atari yake. Akaramba Nzvimbo yake Inoera. Tsvingo dzemizinda yake akadziisa mumaoko avavengi. Mumba yaTenzi makaitwa ruzha sapazuva guru rakatemwa.
8
Tenzi akatema zvokuita kuti rusvingo rweJerusaremu ruve dongo, akaiganhura netambo rutivi rwaakanyatsoparadza. Nhare norusvingo zvakaungudza zvikadhirika pamwechete.
9
Misuo yaro mikuru yakanyura muvhu akaondonga nokutyora zvihuri zvaro mambo waro namachinda aro vari mukati mevechirudzi. Zvomutemo hapachisina; vaporofita havachawana zvavanooneswa naTenzi.
10
Vakuru vakuru veJerusaremu vanogara pasi vakanyarara vakazvidira ivhu mumusoro vakapfeka masaga, vasikana veJerusaremu vakakotamisa misoro yavo pasi.
11
Maziso angu aneta nokuchema, iyeni pachangu ndadumbirwa shungu dzandipedza mwoyo pamusana pokuparadzwa kweguta ravanhu vangu nokuti vacheche netusvava twuri kuziya mumigwagwa yomuguta.
12
Vanochema kunana amai vavo vachiti, “Chingwa newaini zviripi pavanoziya kudaro savarume vakuvadzwa mumigwagwa yeguta vachitandadza vari pamakumbo amai vavo.”
13
Ndoti kudiiko kwauri ndokuenzanisa neiko iwe guta reJerusaremu? Ndokufananidza neiko kuti ndikunyaradze iwe mhandara tsvene yeZioni nokuti sokukura kwakaita gungwa ndokukurawo kwakaita kuparadzwa kwako. Ndiani angakudzorere pakare?
14
Vaporofita venyu vaikuonerai zviratidzo zvenhema zvokunyengedza. Uipi hwenyu havana kuhuburitsa pachena kuti zvakanaka zvenyu zvidzokere kwamuri; vakakuonerai zviratidzo zvenhema zvinokutungamirirai kusiri iko.
15
Vose vanopfuura nenzira vanorovanisa maoko; vanoridza tsamwa vachidzungudza musoro kuguta reJerusaremu, vachiti, “Ndiro guta riya here iri rainzi rakanakisisa kwazvo rinopa rufaro pasi pose.”
16
Vavengi vako vose vanokusveeredza vachiridza tsamwa vachikunyinurira mazino. Vanotodanidzira vachiti, “Takariparadza; ndiro zuva rataimirira zvino tavanaro, tinoriona.”
17
Tenzi akaita zvaakanga aronga akaita zvaakamboyambira sokutema kwaakanga azviita pasi chigare. Akapaza zvisina tsitsi akaita kuti muvengi afare nezvakaitika kwauri, akasimudzira pamusoro simba ravavengi vako.
18
Mwoyo yavanhu inochema kuna Tenzi iwe rusvingo rweJerusaremu misodzi yako ngaiyerere serwizi siku nesikati usazorore kana kuzorodza maziso ako.
19
Simuka ucheme usiku pakutanga panguva dzakasiyana-siyana dzokugaririra, durura zviri pamwoyo pako semvura mberi kwaTenzi. Simudzira maoko ako kwaari kuitira upenyu hwavana vako vari kurezuka nenzara pakona yoga yomugwagwa.
20
Tarisai muone zvenyu, Tenzi kuti ndiani chaizvo wamuri kuitira izvozvi. Madzimai adye here mapudzi avo, vana vavo chaivo vavanochengeta nerudo kana kuti vapristi navaporofita vauraiwe muNzvimbo Inoera yaTenzi.
21
Panze zvapo vakuru navadiki hero gatakata. Mhandara nemajaya vakauraiwa nebakatwa pazuva rehasha dzenyu pamakavauraya muchavakatakazha zvisina tsitsi.
22
Makakoka kubva kumativi ose zvinotyisa sokunge pane, zuva guru rakatemwa iyi yakanga iri nguva yenyu yehasha, Tenzi. Hapana aipapunyuka ipapo kana kupararama vandairezva vacho ndichirera vavengi vangu vakavaparadza zvavo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5