bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 John 1
1 John 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, zvatakanzwa, zvatakaona nameso edu, zvatakatarira, nezvatakabata namaoko edu, zveShoko roupenyu
2
(upenyu hwakaratidzwa, tikahuona, tinopupura nokukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba, hukaratidzwa kwatiri):
3
izvo zvatakaona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidziraiwo, kuti nemiwo muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, naMwanakomana wake Jesu Kristu.
4
Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wedu uzadziswe.
5
Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidziraiwo, kuti Mwari chiedza, hamuna rima maari.
6
Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima, tinoreva nhema, hatiite chokwadi;
7
asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.
8
Kana tichiti, hatina zvivi, tinozvinyengera, chokwadi chisiri matiri.
9
Kana tichizvireurura zvivi zvedu, iye akatendeka akarurama, nokudaro anotiregerera zvivi zvedu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.
10
Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5